Accessibility links

Breaking News

Democratic Party Inodoma VaBiden Kuti Vakwikwidze Sarudzo yeMutungamiri weAmerica Muna Mbudzi


Bato reDemocratic Party rakadoma VaJoe Biden pamusangano waro weDemocratic National Convention, uyo uri kuitwa padandemutande nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Bato rinopikisa muAmerica, reDemocratic Party, neChipiri rakadoma vamboive mutevedzeri wemutungamiri wenyika munguva yehutungamiri hwaVa Barrack Obama, VaJoe Biden, kuti vange vachirimirira musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa muna Mbudzi gore rino.

VaBiden vachange vachikwikwidzana nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, avo vachange vakamirira bato reRepublican Party kana kuti GOP, rinove ndiro riri kutonga.

VaBiden vakadoma svondo rapera Amai Kamala Harris, vanove mudzimai wechitema, kuti vave mutevedzeri wavo musarudzo iyi.

Musangano webato reDemocratic Party wegore rino wasiyana nemamwe makore sezvo uri kuitirwa padandemutande nekuda kwechirwere cheCovid-19, icho chabata America zvakanyanya.

Nhengo dzebato riri kutonga reRepublican Party dzinoti VaJohn Kasich, Amai Susan Molinari, Amai Meg Whitman pamwe nevakambove gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaColin Powell, dzakataurawo pamusangano uyu dzichitsigira VaBiden.

VaPowell vakaudza musangano uyu kuti vanotsigira VaBiden nekuti vanoona vachidzora hutungamiri hweAmerica mupasi rose.

Vamwe vakataurawo vachitsigira VaBiden mudzimai wemushakabvu VaJohn McCain avo vaive nhengo yebato reRepublican Party.

Mudzimai waVaBiden, Amai Jill Biden, vakataurawo zvakare vachishoropodza mabatiro ehurumende yaVaTrump chirwere cheCovid-19 pamwe nekuvharwa kwezvikoro munyika nekuda kwedambudziko iri.

Vakambove vatungamiri veAmerica, VaJimmy Carter naVaBill Clinton, vose vebato reDemocratic Party ndevamwe venhengo dzebato iri vakataurawo neChipiri usiku, uye VaObama vari kutarisirwa kutaurawo neChitatu manheru.

Asi vachitaurawo vari kudunhu reArizona neChipiri chakare, VaTrump vakati VaBiden havana hurongwa hwekuvhara miganhu yeAmerica, izvo zvichaita kuti vanhu vakawanda vapinde munyika zvinozopa matambudziko ekupinda munyika kwezvirwere pamwe nekuparwa kwedzimhosva.

Svondo rinouya bato reRepublican Party riri kuitawo musangano waro wekudoma zviri pamutemo VaTrump kuti vamirire bato iri musarudzo.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muWashington D.C, uye vari nhengo yeZanu PF, VaFrenk Guni, vanoti kudomwa kwaVaBiden kwakangove mucherechedzo chete sezvo vakanga vakunda nechakare musarudzo dzebato dzekutsvaga achamirira bato iri.

VaGuni vanoti vanoona VaBiden vaine mukana mukuru kwazvo wekukunda VaTrump nekuda kwezvinhu zvakawanda zvinosanganisira kubata kwavo chirwere cheCovid-19 uye nyaya yekutambirwa kwevanhu vanobva kune dzimwe nyika muAmerica, iyo iri kuomeswa zvakanyanya nehurumende yaVaTrump.

Vanoti izvi ndezvimwe zvezvinhu zvinogona kuia kuti vanhu vasarudze VaBiden panaVaTrump.

Hurukuro naVaFrenk Guni
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG