Accessibility links

Breaking News

VaBarack Obama Votambira Kudomwa Kwavo Kuti Vamirire Bato Ravo Musarudzo


VaBarack Obama
VaBarack Obama
Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, avo vari kumiririra bato reDemocratIC Party musarudzo dzemutungamiri wenyika muna Mbudzi, vari kutambira kudomwa kwavakaitwa semumiriri webato ravo musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaObama vachakiwkidzana naVaMitt Romney veRepublican Party.

Musangano mukuru weDemocratic National Convention uri kuitirwa kuCharlotte, North Carolina, uko kune mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

VaTsvangirai vanoti vari kufara nezviri kuitika pamusangano uyu.

VaObama nemutevedzeri wavo, VaJoe iden, vari kutarisirwa kuudza vanhu kuti sei vachifanira kuvhoterwa kuti vatungamire nyika kwemamwe makore mana.

Vamwe vakatotaura vachitsigira VaObama, Mudzimai wavo, Michelle Obama, avo vakataura pakuparurwa kwemusangano uyu neChipiri. Vaimbotungamira America, VaBill Clinton, vakataurawo neChitatu manheru , vakataura zvakasimba vachikurudzira vanhu kuti vavhotere VaObama.

VaClinton vakatiwo VaObama munhu asina rusarura, nokudaro vanofanirwa kuvhoterwa. Vana jenandebvu vanoti kugara nhaka huona dzevamwe, nekudaro vakawanda vari kutevera sarudzo dzemuAmerica vanoti zvakakosha kuti vanhu vemuZimbabwe vaonewo zviri kuitwa nedzimwe nyika kuti vasarambe vari chiseko chenyika dzose panyaya yesarudzo.

Chikuru chinonetsa muZimbabwe inyaya yemhirizhonga munguva yesarudzo, kubiridzira uye kusapanana mukana wekutaura panhepfenyuro. Mapurisa nemauto haangopindire munyaya dzezvematongerwo enyika sezvaanoita muZimbabwe.

Zvinhu zvakadai ndizvo zvakapa kuti Zimbabwe igume yave nehurumende yemubatanidzwa nekuti vakawanda vakatenderana kuti zvakaitwa munyika muna 2008 zvekudeura ropa handizvo zvinotarisirwa muhutongi wejekerere.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaGideon Kanyongo, avo vachangopeta zvidzidzo zvepamusoro soro paFranklin University munyaya dzemabhizimisi vanoti Zimbabwe inofanira kudzidza kuti mhirizhonga haina kunaka.

Ukuwo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vakambove mutungamiri wevadzidzi paUniversity of Zimbabwe, VaPromise Sande, vatiwo America inobatsirawo dzimwe nyika hutongo wejekerere.
XS
SM
MD
LG