Accessibility links

Breaking News

Dynamos Inodzinga Lloyd Chigove


Dynamos FC
Dynamos FC

Chikwata cheDynamos chakadzinga basa murairidzi wacho, Lloyd Chigove, zvichitevera kukundikana kuri kuita chikwata ichi mumitambo yacho.

Musangano wevatungamiri veDynamos wakaitwa neChipiri mangwanani wakabvumirana kudzinga Chigove zvichitevera kurohwa kwakaitwa chikwata ichi 1-0 neHerentals neSvondo.

Kunyange hazvo Chigove asina kubatika parunhare bhozha, sachigaro wechikwata ichi, VaIsaiah Mupfurutsa, vakati ichokwadi kuti Chigove aregedzeswa basa.

Vakatiwo Richard Chihoro naEdward Sadomba ndivo vachafanobata basa iri vachitsaga murairidzi mutsva.

Mumwe muteveri weDynamos, Petros Musambasi, anoti Chigove anga achifanira kudzingwa nekuti Dynamos yanga yarasika mumatambiro ayo.

Mumwe muteveri weDynamos, Muzvare Rosemary Muchatuta, vanotiwo Chigove aifanira kuve asina kumbotambidzwa basa iri pakutanga.

VaBatai Kwayedza avo vanobva kuNorton vanoti Dynamos inofanira kugadziriswa zvakasimba sezvo isina kumira zvakanaka.

VaMupfurutsa vakatiwo Dembare ichange yave nemurairidzi mutsva svondo rino risati rapera.

Asi mashoko ari kufamba anoti Dynamos iri kuita hurukuro naTonderai Ndiraya uyo asiri pabasa pari zvino kuti atore basa rakakosha iri.

Ndiraya ndiye aive murairidzi wechikwata ichi muna 2015 apo Dynamos yakapedza iri pachinhanho chechipiri akazosiya basa akananga kuNgezi Platinum Stars.

Pari zvino, Dynamos yave payaive mwaka wapera apo yakapedza gore rese ichirwira kuramba iri muPSL.

FC Platinum, iyo ine mukombe uyu, ndiyo iri kutungamira makwikwi nemapoinzi gumi kubva mumitambo mina zvekuti mumwe muteveri wemutambo uyu, VaTinashe Museki, vanoti chikwata ichi neNgezi Platinum Stars ndizvo zvicharwira mukombe zvekare.

Svondo rino, Dynamos yakananga kuBarborufields Stadium kunosangana neTelOne, panguva iyo FC Platinum yakananga kuChicken Inn.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG