Accessibility links

Breaking News

Magweta Onyunyitira Vakuru veMajeri Vari Kutyora Kodzero dzaVaNgarivhume


Transform Zimbabwe president Jacob Ngarivhume

Gweta remutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, VaMoses Nkomo, vanoti vanyorera tsamba kumukuru wemajere vachinyunyuta nekubatwa kuri kuitwa VaNgarivhume vari muhusungwa.

VaMoses vanoti vatora danho rekunyora tsamba iyi zviri pamutemo vachinyunyuta pamusoro pekurambidzwa kwehama dzaVaNgarivhume kuvapa zvekudya zvinobva kumba pamwe nekuti hama dzavo dzivaone zvakasununguka sezvakatarwa nedare svondo rapera.

VaNkomo vatiwo vemajere vakaramba vachizvidza mutongo wedare, vachadzokera zvakare kumatare kuitira kuti kodzero dzaVaNgarivhume dzisarambe dzichityorwa.

Mudzimai waVaNgarivhume, Amai Nyashadzashe Ngarivhume, vaudza Studio 7 kuti vakarambidzwa kuvaona nezuro asi vakati vachiri vakabatikana zvikuru nezviri kuitika pamurume wavo nekudaro vanga vasingakwanisi kutaura nesu pamhepo vakati titaure nemukoma waVaNgarivhume, VaPeter Ngarivhume.

VaPeter Ngarivhume vati semhuri vari kushungurudzika zvakanyanya sezvo zvakaturwa nedare zvisiri kutevedzerwa. Vati pavakaenda neMuvhuro vaine zvekudya, vakadzoswa nazvo, uye vakarambidzwa kuona munin’ina wavo.

Vatiwo chiri kuvashungurudza semhuri inyaya yekuti munin’ina wavo akutobatwa semunhu ari kupika jeri asati atombobatwa nemhosva yaari kupomerwa.

Mukuru wesangano rakazvimiririra re Zimbabwe Association for Crime Prevention and the Rehabilitation of the Offenders, VaEdison Chihota, vati zvakakosha kuti kodzero dzevasungwa dziremekedzwe kunyange hazvo nyika yakatarisana nedenda reCOVID-19.

Mutauriri wemajeri, Amai Meya Khanyezi, vaudza Studio7 kuti havasi kutambira zvekudya zvinobva kudzimba nekuda kwechirwere cheCOVID 19. Vatiwo havasati vaona tsamba yanyorwa nrmagweta aVaNgarivhume.

Dare repamusoro rakapa mutongo svondo rapera wekuti VaNgarivhume pamwe nemumwe wavakasungwa naye, Hopewell Chin'ono, vabvumidzwe kuigirwa chikafu nehama dzavo, uye kuti vaviri ava vashanyirwe nehama dzavo munguva dzinoshanyirwa vasungwa.

Vaviri ava vakasungwa musi wa 20 Chikunguru vachipomerwa mhosva yekukurudzira kuti vanhu varatidzire zvine mhirizhonga musi wa 31 Chikunguru.

Asi VaNgarivhume naChin'ono vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG