Accessibility links

Breaking News

Makambani Anotevera Zvikwereti Oyambirwa Kutevedza Mitemo


Map Zimbabwe
Map Zimbabwe

Mukuru wesangano remagweta, reLaw Society of Zimbabwe, VaMisheck Hogwe, vanoti sangano ravo riri kushushikana zvikuru nemabasa emakambani nevanhu vanotevera zvikwereti zvisina mvumo kana kuti Debt Collectors.

VaHogwe vanoti vave kukwidza nyaya iyi kumatare kuitira kuti vese vari kuita izvi vamiswe kuita izvi sezvo vari kushungurudza vanhu.

VaHogwe vanoti pasi pemutemo, magweta chete ndiwo anobvumidzwa kutevera zvikwereti.

VaHogwe vaudza Studio 7 kuti magweta munyika anozviziva kuti pave nevanhu vakawanda nemakambani ari kushungurudza vanhu, kuvatyityidzira pamwe nekuvatorera midziyo yavo nekuda kwezvikwereti zvinenge zvisina kubhadharwa.

Vati kuita kwakadai hakusi pamutemo.

Vati basa rekutevera zvikwereti rinobvumidzwa kuitwa chete nemagweta uye kunyange ari magweta anoita izvi, hapana munhu anotererwa mudziyo wake pasina mutongo unenge wapihwa nedare redzimhosva.

Kunyange hazvo makambani anotevera zvikwereti awanda munyika uye ari kushandiswa nevakawanda, kusanganisira makamabi ehurumende, makanzuru nevamabhizimisi, VaHogwe vati hapana mutemo unopa makambani aya mvumo yezvaari kuita.

VaHogwe vayambira veruzhinji kuti vamhang'are kumapurisa kana vakavingwa nevanotevera zvikwereti vanenge vasiri magweta.

Vati vachakwidza nyaya iyi kudare reHigh Court senzira yekuchengetdza veruzhinji.

Vati sangano ravo range riri kutsigira mumwe mugari wemuHarare uyo akakwidza nyaya iyi kudare asi vati vave kuita izvi vega mushure mekunge mugari uyu avasina kudoma nezita arega kuenderera mberi nenyaya yake.

Vagari vakawanda muHarare vange vari kunyunyuata nenyaya yema Debt Collector mushure mekunge kanzuru yeHarare yatsvaga kambani yeWellCash Debt Colletors kuti itevere zvikweret zviri muvagari.

Kanzuru yakazomira kushanda nekambani iyi mushure mekunge nyaya iyi yakwidzwa kumatare edzimhosva.

Hatina kukwanisa kutaura nevebazi rezvemutemo kuti tinzwe kuti sei vari kurega ma Debt Collectors achiita basa zvisiri pamutemo.

Mune imwewo nyaya, VaHogwe vati sangano ravo riri kuongorora magweta gumi nemashanu ayo ari kupomerwa mhosva dzakasiyana siyana uye achabviswa pagwaro remagweta kana achinge awanikwa aine mhosva.

Kunyange hazvo magweta achinyoresa kudare repamusoro reHigh Court , veLaw Society of Zimbabwe ndivo vanopa marezenesi ekuita basa kumagweta uyewo ndivo vanoranga kana magweta achinge atyora mutemo webasa kana kupara dzimwe mhosva.

Munyika mune magweta zviuru zvitatu uye chikamu chepakati nepakati ndivo vane marezenisi ekuita basa reugweta mumatare kozotiwo chimwe chekamu ndechiya chemagweta ari kushanda mumasangano akazvimirira, makambani kana muhurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG