Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vokurudzira Kubviswa kweMutongo weRufu


Vanhu vemuZimbabwe vakawanda vanoti vanoda kuti hurumende yemubatanidzwa ibvise zvachose mutemo wekutongera vanhu rufu kana kuti death penalty, sezvo vachiti mutemo uyu unotorera avo vanenge vatongerwa rufu kodzero yavo yeraramo.

Izvi zvabuda pamusangano wekucherechedza kurwisana nemutongo werufu, World Day Against Death Penalty, waitwa nemasangano eZimbabwe Association for Crime and Rehabilitation of the Offender, kana kuti Zacro neAmnesty International - Zimbabwe.

Mukuru weZacro, VaEdson Chihota, vaudza Studio7 mushure memusangano uyu kuti mutongo werufu unorwadzisa nekushungurudza hama dzeuyo anotongerwa rufu uye haruna zvarunobatsira kune avo vanenge vaurayirwa hama yavo.

Mukuru weAmnesty International muZimbabwe, VaCousin Zilala, vatiwo sangano ravo rinodawo kuti mutongo werufu ubviswe zvachose.

VaChihota naVaZilala vatiwo kunyange hazvo gwaro rebumbiro idzva remitemo, richibvisa mutongo werufu kuvanhukadzi nevanhurume vane makore ari pasi pemakumi maviri nerimwe, neavo vane makore anodarika makumi manomwe, ivo vanoda kuti bumbiro iri ribvise zvachose mutongo werufu.

Vatiwo madzimai apinda mumusangano uyu aratidza kusafara nezviri mugwaro rebumbiro pamusoro penyaya yemutongo werufu.

Seneta Misheck Marava, avo vanove sachigaro wekomiti yeseneti inoona nezvekodzero dzevanhu, vaudza Studio7 kuti zvabuda pachena pamusangano uyu kuti vanhu havadi mutongo werufu uye vati vanoda kuti patevedzwe tsika dzechivanhu dzekuripirana kana pachinge paurawa vanhu.

Vatsinhirawo nyaya yekuti vanhukadzi vati musangano wekuzeya bumbiro idzva unofanira kubvisa mutongio werufu kwete kuti vanhurume varambe vachitongerwa rufu.

Kunyange hazvo Zimbabwe ichiri kutongera vanhu rufu, yakapedzesera kuuraya vasungwa vakatongerwa rufu muna 2005.

Nyika zhinji mudunhu rekuchamhembe kweAfrica dzakaita se Angola, South Africa, Namibia, Mozambique ne Seycheles, dzakatobvisa mutongo werufu uye kwangosara Zimbabwe neBotswana dzichine mutongo uyu.

Zuva rekurwisa mutongo werufu rakatanga kucherechedzwa muna 2003 pasi rose nesangano re World Coalition Against Death Penalty unove mubatanidzwa wemasangano akazvimirira ega, masangano emagweta nemamwe akasiyana siyana.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG