Accessibility links

Breaking News

Vakawanda muBulawayo Votambira neMufaro Zvaitwa VaMugabe neMauto


Dumiso Dabengwa
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vevanhu vataura neStudio 7 muBulawayo vanoti vanotambira kutora masimba ehurumende kwaitwa nemauto.

Mumwe wevanhu ava, Muzvare Abegale Mupambi, vesangano re#This Constitution Our Constitution, vati sesangano ravo rinokurudzira kukosheswa kwebumbiro remutemo wenyika, uye vanotambira zvaitwa nevechiuto.

Kunyange hazvo vati kubvuta masimba chinhu chakaipa, vati mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vemubato ravo vange vave kutonga nyikavachiita madiro aJojina.

Retired Lieutenant Colonel Brian Mutoti vatiwo havawone pachiitika mhirizhonga kana kudeuka kweropa kuchaitika sezvo vati vanoona vechiuto vari vanhu vakarongeka vanoita basa ravo nemazvo.

Mutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa, vati vaiwona kutorwa kwemasimba nevechiuto chiri chaigona kuitika munyika, uye chichitsigirwa neveruzhinji.

Murwi wehondo yerusununguko pasi pevarwi veZipra, VaMax Mkandla, vati vanotsigirawo zvaitwa nevechiuto.

Mune imwewo nyaya, dare ramagistrate muBulawayo neChitatu rabvuma kuti VaMagura Charumbira vabhadhare mari yechibatiso pamhosva yavari kupomhera yekukurudzira kukonzerwa kwemhirizhonga pamwe nekutuka kana kuzvidza mukuru wenyika,

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG