Accessibility links

Va Ramaphosa Vanosarudzwa Kumirira ANC Musarudzo yeMutungamiri weSouth Africa


Mutevedzeri wemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vava kutarisirwa kuzoitwa mutungamiri wenyika iyi kana vakakunda musarudzo yemutungamiri ichaitwa muna 2019.

Izvi zvinotevera kukunda kwavakaita musarudzo yemutungamiri webato reAfrican National Council, neMuvhuro.

VaRamaphosa vakakunda Amai Nkosazana Dlamini Zuma, uye vachange vari panyanga kwemakore mashanu anotevera.

Gweta, uye vari mukuru weZimbabwe Exiles Forum, Va Gabriel Shumba, vanoti vanotarisira kuti hukama hweZimbabwe neSouth Africa hucharamba huripo.

Va Shumba vanotiwo vanotarisira zvikuru kuti South Africa ibate zvakanaka zvizvarwa zveZimbabwe zvakapotera munyika iyi.

VaBhekitemba Nyathi vanobva kuGokwe vanoti shuviro yavo ndeyekuti VaRamaphosa vacharamba vachidyidzana mune zvematongerwo enyika neZimbabwe kuitira kuti nyika mbiri idzi dzibudirire.

VaRamaphosa vachange vaina VaDavid Mabuza semutevedzeri wavo.

Vamwe vakasarudzwa ndiVa Paul Mashantile, avo vachave mubati wehomwe, VaGwede Manashe, ndivo sachigaro mutsva, VaZenzo Mxunu ndivo munyori mukuru mubato, mutevedzerwavo ndi Amai Jessy Duarte.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG