Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voda Kunogara Mudzimba Vari Pavo Vega neMhuri Dzavo kuChimanimani


CYCLONE IDAI Salvation Army Prayer
CYCLONE IDAI Salvation Army Prayer

Vanhu vakawanda vakawirwa nedambudziko remafashamu nedutumupengo reCyclone Idai kuManicaland, vanoti vanoda kutamiswa nechimbi chimbi kubva mumakamba avari kugara vachiendeswa kunzvimbo dzinokodzera kuitira kuti vatange hupenyu hutsva.

Vagari ava vakasangana nenjodzi yeCyclone Idai mwedzi wapfuura iyo yakauraya mazana nemazana evanhu munzvimbo yekuChimanimani neChipinge, uye misha yavo nezvimwe zvivakwa, zvikasara zvaparadzwa.

Vanhu ava vanoti vari kugara mumatende, muzvikoro nedzimwe nzvimbo dzavanoti hadzina kufaranuka.

Mumwe wevanhu vari kuda kuti vabve paNgangu Primary School, ndi Amai Eliza Mtsveta, avo vanoti hurumende inofanirwa kuvabatsira kuti vatange hupenyu hutsva husina zvinetswa zvavari kusangana nazvo pari zvino.

"Izvozvi ndiri kutokumbira pekugara nekuti pari zvino ndiri kugara pamba pemunin’ina wangu saka ndinenge ndatomuomesera. Ndange ndakarima saka handina chinhu, chibage ndange ndinacho nekuti ndaive nemadiridzo. Izvezvi kutaura kuno handina kana chunhu. Ndakabuda ndisina chandakabata, ndakabuda ndiri zvandiri izvi," vadaro Amai Metsva.

Mumwe wevanhu ava, VaPatrick Mbaimbai, vanoti vari kuda kuti vapihwe pekugara vega nemhuri yavo, uye kana rubatsiro rwuchiuya, rwusvikire pavanenge vagere vega nemhuri yavo.

Nhengo yeMDC kuNgangu, VaFred Dziwande, vanoti vanhu vakawanda vari kuda kutamiswa kuitira kuti vagare munzvimbo dzisina njodzi nemafashamu emvura.

"Ndaikumbirisa kuhurumende kuti vanhu ava vatamiswe vaendeswe kune imwe nzvimbo vagare ikoko nekuti mvura yakaita seiya ikauya zvakare vanokwanisa kusangana nedambudziko, saka hurumende inosungirwa kuita izvi nekuchimbidza vanhu vawane kumwe kwekunogara, vadaro VaDziwande.

Gurukota rinomirira dunhu reManicaland, Amai Ellen Gwaradzimba, vanoti hurumende ine hurongwa hwekutamisa mhuri dzakasara kuChimanimani vachidziendesa kumwe.

Asi vanoti izvi zvichatora nguva sezvo paine zvimwe zvinoda kutanga zvaitwa, izvo zvinosanganisira kutsvaga nzvimbo yakakodzera.

Mambo wenzvimbo iyi, Mambo Muusha, vanoti zvakaitika kudunhu ravo zvinoda kutsvagurudzwa pachivanhu, kuitira kuti vazive chikonzero chenjodzi iyi sezvo vachifungidzira kuti zvine chivanhu mukati.

Vanoti ivo nemamwe madzishe ekwaMutambara, Chipinge neBuhera, vachagara pasi kuti vatsvage masvikiro ekududzira zvingange zviri zvakakonzeresa njodzi idzi.

"Ndipo patiri kuda kuti timbonzvera nzvera nemasvikiro edu kuti tione kuti chii chaizvo chiri kukonzera chiitiko ichi, asi izvozvi tiri kuona kuti tione pamwe nevamwe pamusoro penyaya ikyi," vadaro Ishe Mutambara.

Asi nyanzvi munyaya dzezvemamiriro ekunze dzinoti dutumupengo iri nemafashamo emvura zvakakonzerwa nekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

Asi Mambo Muumba vanoti pane chivanhu chakaitika chinofanirwa kugadziriswa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG