Hurumende pamwe nagavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, varamba mashoko ekuti nyika iri kuparura mari yayo svondo rino.
Zvichitevera mashoko aburitswa padande mutande reTwitter nevakambove gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti, ekuti svondo rino hurumende iri kuparura mari yenyika itsva, Doctor Mangudya vanoti vanhu havafanirwe kuteerera mashoko enhema akadai, ayo vanoti anokanganisa zvinhu mune zveupfumi.
Doctor Mangudya vanoti Zimbabwe haina hurongwa hwakadaro munguva pfupi inotevera.
Ukuwo, bazi rezvekuburitswa kwemashoko raburitsawo mashoko ekuramba nezvehurongwa uhwu, richiti hurumende iri kushushikana zvikuru nemanyepo ari kutenderedzwa nemamwe mapoka ezvematongerwo enyika ekuti nyika iri kuparura mari yayo svondo rinouya.
Aka hakasi kekutanga kuti hurumende inzi iri kuda kuparura mari itsva. Masvondo mashoma adarika mashoko aya akamboduawo zvakare, zvikuru mumadandemutande.
Asi mwedzi wapera gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vakazivisa kuti nyika isunge dzisimbe sezvo paine hurongwa hwekuparura mari itsva yenyika mukupera kwegore rino.
Facebook Forum