Accessibility links

Mamwe Madzimai Oenda kuZambia Kunotengesa Miviri Yavo

  • Arthur Chigoriwa

prostitutes wait for customers

Madzimai akawanda vari kuenda kuZambia kunoita basa rekurarama nekuita zvepabonde vachiti kuoma kwehupenyu munyika ndizvo zviri kuvatuma kuita zvepabonde vachibhadharisa.

Madzimai aya vakawanda vavo vanobva kunzvimbo dzakaita seKariba, Karoi, Chinhoyi, Chegutu, Kadoma pamwe nemaguta makuru akaita seHarare.

Vanoti kuita zvechipfambi kuZambia zviri kubhadhara sezvo vari kupihwa mari yekuAmerica.

Vazhinji vemadzimai aya vanoti vanozonochinja mari iyi voisa kuma bond notes zvinozoita kuti ive inowanda zvichienzaniswa nekupihwa ma bond notes.

Mumwe wemadzimai aya uyo anoti anoda kuzivikanwa saAmai Shupi vanobva kuKaroi vanoti zvinonzi muroyi royera kure kuti vepedyo vagokureverera nokudaro havadi kuzivikanwa zvavanoita munharaunda mavanogara.

Amai Shupikai vanoti chimwe chikonzero ndechekuti zvechipfambi zvinosungisa asi kuZambia hazvisungise nemapurisa sezvo vanenge vaine dzimba dzavanenge vachishandisa.

Chimwe chizvarwa chekuZambia, VaMaxwell Mwale, vanoti madzimai ekuZimbabwe vari kuita zvechipfambi vakawandisa zvakanyanya pamuganhu weZimbabwe neZambia.

Asi VaMwale vanoti havasi kuwana mari yakawanda sezvavanotaura sezvo vari kuva bhadhara mari inoita madhora matatu kusvika pamadhora mashanu panguva pfupi yavanenge vachitandadzana.

Asi mumwe mudzimai wekuDemocratic Republic of Congo anotyaira motokari dzinotakura zvinorema, Amai Elizabeth Lewis, vanoti kunyange madzimai ekuZimbabwe achiwanikwa kunyika yavo vachiita zvechipfambi vanoti hazvisi zvitsva sezvo madzimai edzimwe nyika achiwanikwa munyika dzisiri dzavo vachita basa rimwe chete rechipfambi.

Muzvari Sally Kanyakanyaka avo vanorwira kodzero dzevanorarama nehurema vanoti zvinhu zvinofanirwa kushanduka munyika munyaya dzezvematongerwo enyika kuti zvehupfumi zvigadzikane izvo zvinozoita kuti madzimai awane zvinovapa pundutso muhupenyu kuti vararamise mhuri dzavo.

Muzvari Kanyakanyaka vanoti zvechipfambi zviri kuita madzimai aya zvinokonzera mamwe matambudziko akaita sekubata HIV zvinoisa hupenyu hwavo panjodzi.

Madzimai anoita zvechipfambi aya vanonyanya kuda kunofara nanamutyairi vemotokari dzinotakura zvinorema vanenge vakamirira kufambiswa kwemapepa avo emotokari kuti vapinde kana kubuda munyika.

Vanoti vanoshanda masikati pamwe nemanheru apo vanowana mari inodarika madhora makumi maviri pazuva.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG