Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neKutenga neKutengesa Zvinhu muSADC Voita Chirwirangwe


Vamwe vanhu vanorarama nekutenga nekutengesa zvinhu munyika dziri muSADC vanoti vanoda kuti hurumende dzenyika idzi dzive nemitemo yakajeka inoita kuti vakwanise kuita mabasa avo zvakanaka.

Ichi ndechimwe chezvisungo zvakakosha zvakabuda pamusangano wevanorarama nekutenga nekutengesa zvinhu vemunyika dzeSADC wakapera muBulawayo neChitatu manheru.

Vanhu vaive pamusangano uyu, vakawanda vavo vanove vanhu vanorarama nekutenga nekutengesa vemunyika dzeSADC dzinosanganisira Zimbabwe, Lesotho, Malawi, Mozambique neZambia, vakabvumirana kuti vanosangana nematambudziko akafanana mukuita basa ravo munyika dzakasiyana-siyana dzeSADC, kusanganisira kushungurudzwa pamiganhu yenyika, kana kurohwa nemapurisa uye vamwe vanhukadzi vachibatwawo chibharo.

Vakabvumiranawo kuti kwemakore maviri anotevera, vemasangano anomirira vanoita basa iri vanofanirwa kushanda nevemuzinda weSADC kuBotswana kuti sangano iri rive nemitemo inoita kuti vawonekwe sevanhu vanoita basa rinobatsira kusimudzira hupfumi hwemunyika idzi.

Mugari wemuBulawayo anorarama nekutenga nekutengesa zvinhu, Amai Agnes Mumba, vanoti vakawana mukana wekupangana mazano nevamwe vanoita basa seravo.

Mumwewo mugari wemuBulawayo aivepowo pamusangano uyu, uyo akangozvidoma nezita rekuti Romeo, akati anorarama nekutenga nekutengesa zvinhu zvakasiyana-siyana kusanganisira zvimwe zvinodiwa pakugadzira motokari pamwe nembatya.

Romeo anotsinhirawo kuti vanhu vanoita basa iri vanosangana nematambudziko akawanda achiti zvakakosha kuti vataure nezwi rimwe chete.

Mumiriri weBuhera Central mudare reparamende, VaRonald Muderedzwa, vanoti basa rekutenga nekutengesa zvinhu rakakosha sezvo riri kuraramisa vanhu kunyanya muZimbabwe vachitiwo vamiriri vedare reparamende vachaita zvose zvavanogona kubatsira vanoita basa iri.

Sangano reUN Women rinoti basa rekutenga nekutengesa zvinhu muSADC rinonyanya kuitwa nemadzimai uye zvinotenga nekutengeswa izvi zvakakosha mari inopfuura mabhiriyoni gumi nemanomwe emadhora pagore rega rega.

Sangano iri rinotiwo basa iri riri zvikamu zviri pakati pemakumi matatu nemakumi mana kubva muzana zvekutengesarana kose kunoitwa munyika dzeSADC.

Musangano wevanoita basa rekutenga nekutengesa uyu wakaitwa kwemazuva maviri nerubatsiro rwakabva kusangano reOpen Society Initiative of Southern Africa richishanda pamwe nesangano reBulawayo Vendors and Traders’ Association.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG