Sangano reCririsis in Zimbabwe Coalition riri kuMozambique uko riri kutarisira kutanga nhasi kuita misangano nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu richizeya nawo matambudziko ari kutarisana neZimbabwe.
Mutauriri wesangano iri, VaMarvellous Khumalo, vanoti vari kutarisirawo kuita hurukuro nebato riri kutonga munyika iyi, reFrelimo, nechinangwa chekuda kuona kuti SADC ingabatsira seyi kuitira kuti muZimbabwe muitwe nhaurirano.
Mutungamiri weMozambique, VaFilipe Jacinto Nyusi, ndivo sachigaro weSADC.
Misangano yeCrisis in Zimbabwe Coalition inotarisirwa kupetwa musi weMugovera.
Kunyange bato hazvo guru rinopikisa reMDC Alliance, iro rinoti haricherechedzi mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, semutungamiri wenyika, riri kutambira nyaya yenhaurirano nekupindira kweSADC, bato riri kutonga reZanu-PF rinoti munyika hamuna matambudziko angede kuti vekunze vapindire.
Tabata VaKhumalo tikatanga nekuvabvunza nezverwendo rwavo urwu.
Facebook Forum