Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inokunda Hong Kong Mumakwikwi eInternational Cricket Council World Twenty20


Zimbabwe Cricket

Chikwata che Zimbabwe Cricket chakunda chikwata che Hong Kong mumutambo wekutanga we International Cricket Council World Twenty20 Group B watambirwa ku Nagpur ku India neChipiri.

Zimbabwe yakunda Hong Kong nemaranzi gumi nemana.

Muongorori wemutambo wekiriketi, Muzvare Grace Chirumanzu, vanoti zvinofadza kuti chikwata cheZimbabwe chakunda nhasi asi sangano re Cricket remunyika rinofanirwa kutsvaga vatambi vechidiki kuitira kuti vakwanise kuumba chikwata chemangwana che nyika chakasimba.

"Vatambi vari kumakwikwi aya vari kutamba zvakanaka asi zvakakosha kuti sangano re Zimbabwe Cricket ritsvagewo vatambi vechidiki vanokwanisa kudzidza kubva kuvatambi vanehunyanzvi parizvino uye vachivapawo mukana wekuti vatambe mumakwikwi epamusoro akadayi seaya kuitira kuti vakwanise kuwanawo hunyanzvi," Muzvare Chirumanzu vaudza Studio7.

Vatambi Vusi Sibanda na Elton Chigumbura vanonzi vatamba zvinonwisa mvura pamutambo uyu.

Chikwata chema Chevron chichatamba nechikwata cheScotland neChina mumakwikwi aya.

XS
SM
MD
LG