Accessibility links

Breaking News

Sangano rePTUZ Rochema Kuti Covid-19 Yakwira Zvakanyanya muZvikoro


PTUZ inoti vana vari kunyora bvunzo vaine Covid-19 vari kusanganiswa nevasina denda iri, izvo zviri kupinza vamwe munjodzi.
PTUZ inoti vana vari kunyora bvunzo vaine Covid-19 vari kusanganiswa nevasina denda iri, izvo zviri kupinza vamwe munjodzi.

Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti denda reCovid-19 razara muzvikoro uye hapana matanho ari kutorwa ekudzivirira vana nevarairidzi vari kunyora nekunyoresa bvunzo.

Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti pari zvino zviri kuratidza kuti zvikoro zvinodarika mazana maviri nemakumi mashanu zvine vana nevarairidzi vakabatwa neCovid-19, vachiti huwandu hwakaburitswa nebazi rezvehutano nemusi weChina, uhwo hunodarika zviuru zvishanu, hunogona kunge huri hwemuzvikoro chete.

Doctor Zhou vanotiwo vana vari kunyora bvunzo ivo vakawanikwa vaine Covid-19, vari kungonyora vari pamwechete nevasina, uye varairidzi vari kungomanikidzwa kunyoresa vana vane denda ivavo, vachiti panotoda kuti hurumende itore matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwedenda iri muzvikoro.

Vanoti havasi kuziviswawo zvakare kana hutachiwana huri kuwanikwa muvana vane denda ava huri hwemhando itsva yeOmicron kana kuti kwete, iyo vanoti inonzi inochisa zvikuru.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti Covid-19 yagara iri muzvikoro hurumende ichitora matanho ekuidzivirira kupararira kwayo, kunyange hazvo paita kukwira kwehuwandu hwevanhu vave kubatwa nedenda iri pari zvino.

VaNdoro vanoti manyepo kuti vana vane Covid-19 vari kunyora bvunzo vari kusanganiswa nevana vasina denda iri, vachiti vari kunyora bvunzo vari kunyoreswa vari kwavo voga, uye hurumende iri kutevedzera matanho ose akatarwa ekudzivirira kupararira kwwedenda iri muzvikoro.

Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG