Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voshaya Chikafu paRujeko Isolation Center kuMasvingo


Masvingo Provincial Hospital
Masvingo Provincial Hospital

Hurumende iri kukandirana nyoka mhenyu nekanzuru yeMasvingo panyaya yekuti ndiyani anofanirwa kupa chikafu varwere veCOVID-19 vakachengetwa paRujeko Isolation Center.

Hama dzevanhu vari kugara paRujeko Isolation Center dzinoti varwere vari panzvimbo iyi havasi kuwana chikafu nguva dzose, zvokuti zvinhu zvatonyanya kuipa svondo rino.

Nzvimbo iyi inotakura vanhu gumi, uye yakapihwa hurumende nekanzuru yeMasvingo pasi pehirongwa chehurumende chekuchengeta vanhu vanenge varwarisa nechirwere cheCovid-19.

Mumwe mugari ane hama yake pachipatara apa ada kuzivikanwa nekunzi Baba Gari, nekutyira kuti hama yavo inozopinzwa panguva yakaoma, vati
varwere vari kuchema chema kuti vave nemazuva vasingapuhwi chikafu, uye hama dzevarwere ava dzisingabvumidzwi kuigira hama dzavo chikafu

Mukuru webazi rezvehutano muMasvingo, Dr Amedus Shamu, vati ivo
havasi kuziva kuti sei chikafu chiri kushaikwa nekuti chinofanaira
kubva kukanzuru sezvo iri iyo yakapa hurumende nzvimbo iyi.

Asi meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke, vati harisi basa rekanzuru yavo kupa varwere chikafu sezvo varwere ava vari mumaoko ehurumende.

VaMaboke vati kubva pavakapa nzvimbo iyi kuhurumende, hurumende ndiyo yanga ichipa varwere ava chikafu chichibva kuchipatara chikuru cheMasvingo General Hospital.

Hama dzevarwere ava dzinoti hurumende inofanirwa kugara pasi nekanzuru dambudziko iri rogadziriswa sezvo varwere ava vachida chikafu chinovalka muviri panguva iyo vanenge vari kurwara.

Mumwe mugari wemuMasvingo ane hama iri paRujeko Isolation Center, uyo asina kuda kudomwa nezita rake, ati dambudziko iri rinofanirwa kugadziriswa nekukasika nekuti hupenyu hwevarwere huri kuiswa panguva yakaoma.

Kushaikwa kwechikafu uku kuri kuitika panguva iyo vanhu mazana maviri nevanomwe vakatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro mudunhu reMasvingo chete.

Hurumende inoti vanhu makumi masere nemumwe chete, 81 vakafa munyika ne chirwere che Covid-19, uye vanhu zviuru zviviri nemakumi masere nevapfumbamwe, 2 089 vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vafa nechirwere ichi vava zviuru zvitatu nemazana mana nemakumi maviri nemumwe chete, 3,421, uye vvabatwa nechirwere ichi munyika yose vava zviuru zana nezvishanu nemazana matanhatu nemakumi mashanu nevatanhatu, 105,656.

Vanhu zviuru makumi matatu nechimwe nemazana matatu nemakumi
manomwe nemumwe chete, 31,371 vakabaiwa nhomba yekutanga nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yekutanga pamirioni imwe chete nezviuru mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nezvitatu nemazana matanhatu nemakumi mashanu nevatanhatu, 1,593,656.

Vakabaiwa nhomba yepiri nezuro vaive zviuru gumi nezvinomwe nemazana maviri ane makumi mana nevanomwe, 17,247 izvo zvakasvitsa vabaiya nhomba iyi pazviuru mazana manomwe nemakumi matatu ane mazana matatu nemakumi manomwe nevasere, 730,378.

Hurumende inoti inoda kubaya vanhu mamiriyoni gumi munyika mese kana
kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekurwisa denda
reCovid-19.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG