Bazi redzidzo yepasi rinoti rinotarisira kuti vadzidzi pamwe nevarairidzi vose vakambenge vabatwa neCovid-19 vanenge vapora panovharwa zvikoro neChishanu svondo rino, kukundikana kwavo vachazosvitswa kubazi rezvehutano iro richazoona kuti vagariswa kwavo voga senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.
Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti sebazi vari kugutsikana nehuwandu hwevana pamwe nevarairidzi vari kupora kubva kuCovid-19, uye vanotarisira kuti vose vanenge vapona panovharwa zvikoro svondo rino.
VaNdoro vanoti vose vanenge vapora vanotarisirwa kuzenge vachienda kudzimba dzavo, uye vanokurudzira vabereki kuti vaone kuti vana vavo vatewedzera mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19, yakaita sekugeza maoko nekusaungana.
Bepanhau reHerald rinoti vana vechikoro vanosvika makumi matatu nevapfumbamwe vachiri kurwara kubva pavana mazana matanhatu vakambenge vaine denda iri. Zvikoro zvichange zvakavharwa kwemasvondo matatu kubva Chishanu chino kusvika musi wa 29 Chikumi.
Asi rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers' Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti idanho rakanaka chose rekuti vanenge vasati vapora vange vachiiswa kwavo voga, asi dambudziko riripo nderekuti hapana zvikwanisiro zvekuti vakwanise kuona vana pamwe nevarairidzi vose vangadai vaine Covid-19.
Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti chimwe chinonetsa ndechekuti masangano evarairidzi ari kusiiwa kunze muhurongwa hwose huri kuitwa nebazi redzidzo yepasi panyaya iyi.
Doctor Zhou vanotiwo gurukota redzidzo yepasi, VaCain Mathema, pamwe naivo VaNdoro havasi kupa masangano anomirira varairidzi mukana wekuti vasangane vachigara pasi kuti vazeye zvichemo zvevarairidzi.
Facebook Forum