Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inoti Inotambira Kunonoka Kuvhurwa kweZvikoro Asi Ichikurudzira Nhaurirano neHurumende


Hutungamiri hwePTUZ. Sangano iri riri kuda kuti hurumende itange yasangana nevarairidzi zvikoro zvisati zvavhurwa.
Hutungamiri hwePTUZ. Sangano iri riri kuda kuti hurumende itange yasangana nevarairidzi zvikoro zvisati zvavhurwa.

Rimwe remasangano evarairidzi agara achikurudzira hurumende kuti iendese mberi kuvhurwa kwezvikoro achiti haina kugadzirira zvakakwana, reProgressive Teachers' Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti zvaitwa nehurumende zvekuendesa mberi kuvhurwa kwezvikoro nemamwe masvondo maviri senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 muzvikoro zvinhu zvakanaka chose.

Asi mutungamiri wesangano iri, Doctor Takavafira Zhou, vanoti izvi hazvizadzi mukombe vachiti kuti zvikoro zvizovhurwa panofanirwa kunge paitwa nhaurirano dzakakura pakati pehurumende nevarairidzi dzinotarisa zvichemo zvevarairidzi zvinosanganisira nyaya dzemihoro.

PTUZ yagarawo iri kukurudzira kuti paitwe nhaurirano pakati pemapoka ose ane chekuita nedzidzo, uyewo kuti zvikoro zvose zvinge zvichizadzisa zviga zvebazi rezvehutano pamwe neWorld Health Organisation zvekudzivirira Covid-19.

Danho iri ratsinhirwawo nemutauriri werimwe sangano revarairidzi, reZimbabwe Teachers’ Association, VaGoodwell Taderera, avo vatiwo panofanirwa kunge pave nezvikwanisiro zvekudzivirira denda muzvikoro zvose zvikoro zvisati zvavhurwa.

Masangano ePTUZ neAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, akanyorerawo kuhurumende achiikurudzira kuti ishande pamwe nevarairidzi mugadziriro yekuvhurwa kwezvikoro, kwete kuti irambe ichiita zano ndega.

Doctor Zhou vanotiwo hurumende nofanirwa kuona kuti yaisa hurongwa hwekuti varairidzi vise vabaiwe nhomba yeCovid-19, vachiti pari zvino varairidzi vashomashoma ndivo vabaiwa nhomba.

Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro vakaudza Studio 7 svondo rapera kut varairidzi vakapiwa mukana wekuti vatange kubaiwa nhmbo pakatanga chirongwa ichi asi vashoma ndivo vakazvipira zvavo kubaiwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neMuvhuro vakawedzera nemamwe masvondo maviri mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu vachiti kunyange hazvo kupararira kweCovid-19 kwadzikira, huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa nedenda iri huri kuramba hwakakwira.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG