Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzoshushikana neKudzikira kweVanhu Vari Kubaiwa Nhomba yeCovid-19


Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike. (Columbus Mavhunga/VOA)
Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike. (Columbus Mavhunga/VOA)

Nyanzvi mune zvehutano dzinoti dziri kushushikana zvikuru nekudzikira kuri kuramba kuchiita huwandu hwevanhu vari kubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 pazuva, chiitiko chadzinoti chinogona kutadzisa nyika kusvika pahuwandu hwainotarisira kunge yabaya panopera gore.

Bazi rezvehutano rakazivisa neChitatu kuti vanhu zviuru gumi nechimwe nemazana mashanu ane makumi mashanu nevanomwe, kana kuti 11 557, vakabaiwa nhomba yekutanga, kuchitiwo vamwe zviuru gumi nezvisere zvine mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nemumwe, kana kuti 18 691 vachibaiwa nhomba yepiri.

Bazi iri rakazivisawo kuti munhu mumwechete akafa neCovid-19, vamwe mazana maviri negumi nevatatu vakawanikwa vaine chirwere ichi neChitatu chakare.

Vanhu zviuru zvina nemazana matanhatu negumi nevatanhatu, kana kuti 4 616 vafa neCovid-19 kubva zvatanga chirwere ichi munyika.

Vanhu mamiriyoni matatu nezviuru makumi manomwe nezviviri zvine makumi matatu nevatatu, kana kuti 3 072 033 vakanga vabaiwa nhomba yekutanga, kuchitiwo vakanga vabaiwa nhomba yepiri vachisvika pamamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri nemakumi mana nezvisere zvine mumwe chete, kana kuti 2 248 001.

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti kunyevenutswa kwemutemo unodzivirira kupararira kweCovid-19 kunogona kunge kuine chekuita nekuvarairwa kwave kuita veruzhinji panyaya dzekubaiwa nhomba pamwe nekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Vanoti vari kuona kuti veruzhinji havachapfeka zvivharangozi kana kuti ma mask, uye vanhu vave kuungana zvakanyanya kudarika huwandu hunobvumidzwa pamutemo.

VaRusike vanoti dzidziso pamusoro peCovid-19 inofanirwa kusimbiswa uye munhu wese anofanirwa kuve nechekuita nazvo kwete kungomirira bazi rezvehutano chete.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG