Accessibility links

Breaking News

Sangano rePTUZ Rinonyorera Hurumende Pamusoro peKuvhurwa kweZvikoro Pasina Gadziriro yeKudzivirira Covid-19


Masangano evarairidzi anoti ari kuda kuti hurumende itange yadzivirira kupararira kweCovid-19 muzvokoro zvisati zvavhurwa.
Masangano evarairidzi anoti ari kuda kuti hurumende itange yadzivirira kupararira kweCovid-19 muzvokoro zvisati zvavhurwa.

Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, ranyorera bazi rePublic Service Commission pamwe nebazi rezvedzidzo tsamba yenyunyuto pamusoro pekwarinoti kusavepo kwegadziriro yekudzivirira kupararira kweCoronavirus muzvikoro kuti zvikwanise kuvhurwa mwedzi uno kuti vana vanyore bvunzo dzepakati pegore dzeOrdinary neAdvanced Level.

Hurumende yakazivisa kuti bvunzo idzi dzinofanirwa kutanga kunyorwa musi wa 22 Chikumi kusvika musi wa 19 mwedzi unouya, asi PTUZ inoti hapana zvati zvaitwa nehurumende muzvikoro zvinoratidza kuti iri kudzivirira varairidzi pamwe nevana vechikoro kubva kuchirwere cheCovid-19.

Mutungamiri wesangano iri, Doctor Takavafira Zhou, vanoti zvikoro zvisati zvavhurwa, hurumende inofanirwa kuisa muzvikoro zvikwanisiro zvinosanganisira mishonga inouraya hutachiwana hwe coronavirus, mbatya dzinodzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana, sipo dzekugezesa maoko, mvura kuti iwanikwe nyore, uye zvekuvhenekesa vanhu kana vaine hutachiwana.

Doctor Zhou vanotiwo panofanirwa kupiwa dzidziso kuvarairidzi pamwe nevana kuti vanobata sei dambudziko iri kana rakavawira muzvikoro zvavo.

Studio 7 haina kukwwanisa kubata gurukota rezvedzidzo VaCain Mathema kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Asi munyori mukuru mubazi rezvedzidzo, Amai Tumisang Tabela, vakazivisa svondo rapera kuti bvunzo idzi dzichanyorwa pachiteverwa mitemo yakasimba inobva kubazi rezvehutano nekurerwa kwakanaka kwevana, iyo inodzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana.

Amai Tabela vakazivisawo kuti hurumende haisati yatara zuva richavhurwa zvikoro zvose. Izvi zvinotevera mashoko akanga abuda pane mamwe madandemutande ekuti zvikoro zvichavhurwa musi wa 23 mwedzi uno.

Asi Doctor Zhou vanoti panofanirwa kutanga paumbwa komiti ine nhengo dzemasangano evashandi, vamiriri vebazi rezvedzidzo, pamwe nevamiriri vebazi rezvehutano, iyo inofanirwa kuongorora hudzamu hwe Covid-19 munyika zvikoro zvisati zvavhurwa.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG