Accessibility links

Breaking News

Mutongo Woturwa neMuvhuro paNyaya Itsva yaVaKunonga


VaNolbert Kunonga
VaNolbert Kunonga
Dare repamusoro rinoti richatura mutongo waro svondo rinouya panyaya yakakwidzwa kumatare naBishop Nolbert Kunonga avo vakabviswa zvechisimba nezvikonzi muchechi ye Anglican.

Mukuru wevatongi vedare repamusoro, VaGeorge Chiweshe, vati vachatura mutongo wavo neMuvhuro svondo rinouya panyaya yaVa Kunonga vakaenda kumatare vachiti havafanire kubviswa muchechi ye Anglican.

Asi zvikonzi zvakaenderera mberi nekuvabvisa zvechisimba zvichitevera mutongo wedare repamusorosoro, uyo wakati Va Kunonga havakodzere kuti vave muridzi wezvivakwa pamwe nemidziyo yechechi iyi sezvo vakange vasisiri nhengo yechechi iyi.

Va Chiweshe vati vanoda mukana wekumboongorora zvakasvitswa kudare nemagweta aVaKunonga pamwe nemagweta ari kumirira Bishop Chad Gandiya avo vakanzi nedare repamusorosoro ndivo vanofanira kunge vachishandisa zvivakwa zvechechi yeAnglican munyika yose.

Rimwe remagweta aVaKunonga, VaJonathan Samkange, vati hapana vanhu vari kudivi raVaKunonga vanofanirwa kuramba vachibuditswa zvechisimba mumachechi nezvikonzi sezvo vachiti magweta aVaGandiya akasvika kudare nemawoko akasviba mushure mekunge zvikonzi zvaenderera mberi nekubvisa Va Kunonga paAnglican Cathedral zvechisimba VaKunonga vatoenda kumatare pamusoro penyaya iyi.

Asi rimwe remagweta aVaGandiya, Advocate Thabani Mpofu, vati zviri kutaurwa naVaKunonga kubudikidza nemagweta avo hazvina musoro. Va Mpofu vati VaKunonga nevatsigiri vavo havafaniri kutombotsika muchechi dzeAnglican.

Mune imwewo nyaya yanga iri mudare repamusoro neChitatu, nhengo dzeMDC-T makumi maviri nenhanhatu dziri kupomerwa mhosva yekuponda mupurisa, Va Petros Mutedza, mumusha we Glen View mu Harare gore rapera, dzingangotambe kisimusi dziri mujeri zvichitevera kumbomiswa kwaitwa nyaya iyi nedare.

Mutongi wenyaya iyi, Va Chinembiri Bhunu, vati vachatura mutongo wavo pazuva ravasina kutara pachikumbiro chakaitwa nenhengo idzi chekuti dzipihwe mukana wekubhadhariswa mari yechibatiso dzichiti pane zvakawanda zvashanduka kubva pakasungwa nhengo idzi pamwe nezviri kubuda mukutongwa kwenyaya iyi.

Dare repamusoro rakatarisirwa kuvhara zviri pamutemo chikamu chechipiri chegore rino nemusi weChishanu svondo rino.

Kunyange hazvo VaBhunu vasina kutaura kuti mutongo wavo vachautura rinhi, vati vachashevedza magweta ari kumirira vasungwa pamwe nemuchuchisi wenyaya iyi kuti vape mutongo wavo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG