Accessibility links

Breaking News

Dare reDzimhosva Rinokanda Muzvare Mamombe Mujeri


Joanna Ruvimbo Mamombe

Dare ramejasitiriti rakanda mumiriri weHarare West muparamende,, Muzvare Joanna Mamombe, mujere vakamirira kuongororwa nemadhokotera kuti pfungwa dzavo dziri kutora zvakanaka here kana kuti kwete mushure mekumbotadza kwavakaita kuenda kudare vachiti havasi kunzwa zvakanaka.

Mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Bianca Makwande, vatura mutongo wekuti Muzvare Mamombe, avo vakatarisana nemhosva yekunzi ivo nedzimwe nhengo mbiri dzeMDC Alliance dzinoti Muzvare Cecelia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, vakanyepa kuti vakapambwa vakatochwa muna Chivabvu, vaende kujeri kwemasvondo maviri vachimirira kuti vaongororwe nanachiremba vakazvimirira vaviri kuti vanokodzera here kuti vatongwe zvichitevera kurwara kwavanoti vari kuita.

Svondo rapera dare rakapa gwaro rekuti Muzvare Mamombe vasungwe mushure mekumbotadza kwavakaita kuuya kudare pavakange vanzi vadzoke kuti nyaya yavo ienderere mberi mudare asi gwaro iri rakazokanzurwa muzuva raitevera ivo Muzvare Mamombe nachiremba wavo pavakapa huchapupu hwekuti ivo Muzvare Mamombe havasi kunzwa zvakanaka.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaMichael Reza, vakazodzoka zvakare kudare nechikumbiro chekuti pave nana chiremba vaviri vanoongorora Muzvare Mamombe kuti vari kurwara here zvechokwadi kana kuti manyepo avari kutaura.

Amai Makwande vati harisi basa rematare kutaura kuti munhu ari kurwara here kana kuti kwete saka nokudaro vati Muzvare Mamombe vanogara kujeri vakamirira kuti vazoongororwa nanachiremba vaviri vachazounza magwaro ezvavanenge vawana kudare.

Rimwe remagweta aMuzvare Mamombe, VaAlec Muchadehama, vatsinhira kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

VaMuchadehama vati mutongo waturwa nedare uyu unotyora kodzero dzaMuzvare Mamombe dzekuti varapwe nanachiremba vavanoda saka nokudaro vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro.

Mutedzeri wemutauriri weMDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaClifford Hlatshwayo, vashora mutongo wedare uyu vachiti zviri pachena kuti hurumende yeZanu PF iri kushungurudza Muzvare Mamombe.

Muzvare Mamombe vanzi vazodzoka kudare musi Gumiguru 8 apo VaReza vari kutarisira kuti Muzvare Mamombe vanenge vaongororwa nanachiremba ava.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumare, hutungamiri hwesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, hwawanikwa husina nyaya pamhosva yahwanga huchipomerwa yekunzi hwakaratdzira pamahofisi ebazi rezvemari vakatakura bhokisi rinoiswa munhu akafa.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vati havasi kuzodzokera kumashure nekurwira zvido zvevarairidzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG