Accessibility links

Breaking News

Matare Ovandudzwa Kuitira Kurerutsira Vakaremara


Judicial Service Commission Secretay Walter Chikwana and Justice Joseph Mafusire
Judicial Service Commission Secretay Walter Chikwana and Justice Joseph Mafusire

Sangano reJudicial Service Commission. JSC, rinoti riri kuvandudza mashandiro ematare ese munyika izvo zvicharerutsira vakaremara pamwe neveruzhinji munyika.

Mumashoko avo pakucherechedza makore gumi nerimwe, komisheni iyi yava kushanda yakazvimirira kubva kubazi rezvemutemo, munyori weJSC, VaWalter Chikwana, vati chimwe chezvinangwa zvavo gore rino kuona kurerutsira vakaremara pakuenda kumatare pamwe nekuverenga magwaro emutemo.

VaChikwana vati gore rino chete vane hurongwa hwekugadzirisa zvivakwa pamatare ese munyika kuti vaya vanofamba nemaWheelchair vakwanise kupinda mumatare.

Vatiwo mitemo yakaita seMaintanance Act, Children’s Act nemimwe ichaiswa muzvinyorwa zveBraiile kuti vakwanise kushandisa mumatare.

VaChikwana vatiwo vachagdzira gwaro rekubatsira vanoshandisa mitauro yemaoko uye vati vashandi vese vemumatare vachidziswa pamusoro pemutauro uyu.

VaMasimba Kuchera avo vanoshanda nesangano reCentre fo Disability and Development vaudza Studio 7 kuti vanotambira hurongwa hweJSC vakati vanovimba kuti huchabudirira.

Gweta zvakare vari nhengo yesangano reLawyers with Disability Association, VaAbraham Mateta, vati zviri kurongwa zvakanaka chose asi zvakakosha kuti vanoshanda mumatare kusanganisira vatongi, vanyori nevaturikiri vanzwisise nyaya dzine chekuita nekuremara.

Pava nechirongwa chinonzi Intergrated Electronic Case Management System chiri kutungamirwa nemutongi wedare repamusoro, Justice Joseph Mafusire.

Justice Mafusire vaudza Studio7 kuti izvi zvicharerutsira vanhu nekuti hapachashandiswa mapepa akawanda sezviri kuitika pari zvino.

Justice Mafusire vati vanotarisira kuti kusvika muna Ndira gore rinouuya matare epamusoro eConstitutional Court neSupreme Court anenge ave kushandisa nzira iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG