Vakaremara
- Safari Njema
Seneta Rejoice Timire, Avo Vakashaya neChirwere cheCovid-19, Varadzikwa Nhasi muHarare

Mumwe wevanga vachimirira vakaremara mudare reSenate, Amai Rejoice Timire. avo vakashaya nezuro nedenda reCovid-19, varadzikwa nhasi kumarinda eGlen Forest muHarare.
Vachitaura pakuradzikwa kwaAmai Timire, sachigaro veNational Disability Board, Amai Mercy Maunganidze, vati vachaedza nepose pavanogona napo kuti mabasa akanaka aiitwa naAmai Timire, aenderere mberi.
Vasara vakamirira vakaremara mudare reSeneti, VaWatson Khupe, vati vakaremara vasiyirwa chisveru chekuti vagare vachishanda zvakasimba sezvaiita Amai Timire.
Mukuru weDeaf Zimbabwe Trust,Amai Babra Nyangairi, vatiwo vakaremara vanofanira kufambisa mberi mabasa aibatwa naAmai Timire.
Hanzvadzi yaAmai Timire, Bishop Sevenzile Msiza, vati semhuri varasikirwa zvikuru.
Muzvare Pamela Timire, avo vaishanda pamwe chete naamai vavo, vatiwo ruzhinji rweZimbabwe rwarasikirwa nekushaya kwaita Seneta Timire.
Amai Timire, avo vakadomwa kuva nhengo yeSenate muna 2018, vashaya vava nemakore makumi matanhatu nemaviri ekuberekwa, uye vasiya vana vashanu nevazukuru.
Matare Ovandudzwa Kuitira Kurerutsira Vakaremara

Sangano reJudicial Service Commission. JSC, rinoti riri kuvandudza mashandiro ematare ese munyika izvo zvicharerutsira vakaremara pamwe neveruzhinji munyika.
Mumashoko avo pakucherechedza makore gumi nerimwe, komisheni iyi yava kushanda yakazvimirira kubva kubazi rezvemutemo, munyori weJSC, VaWalter Chikwana, vati chimwe chezvinangwa zvavo gore rino kuona kurerutsira vakaremara pakuenda kumatare pamwe nekuverenga magwaro emutemo.
VaChikwana vati gore rino chete vane hurongwa hwekugadzirisa zvivakwa pamatare ese munyika kuti vaya vanofamba nemaWheelchair vakwanise kupinda mumatare.
Vatiwo mitemo yakaita seMaintanance Act, Children’s Act nemimwe ichaiswa muzvinyorwa zveBraiile kuti vakwanise kushandisa mumatare.
VaChikwana vatiwo vachagdzira gwaro rekubatsira vanoshandisa mitauro yemaoko uye vati vashandi vese vemumatare vachidziswa pamusoro pemutauro uyu.
VaMasimba Kuchera avo vanoshanda nesangano reCentre fo Disability and Development vaudza Studio 7 kuti vanotambira hurongwa hweJSC vakati vanovimba kuti huchabudirira.
Gweta zvakare vari nhengo yesangano reLawyers with Disability Association, VaAbraham Mateta, vati zviri kurongwa zvakanaka chose asi zvakakosha kuti vanoshanda mumatare kusanganisira vatongi, vanyori nevaturikiri vanzwisise nyaya dzine chekuita nekuremara.
Pava nechirongwa chinonzi Intergrated Electronic Case Management System chiri kutungamirwa nemutongi wedare repamusoro, Justice Joseph Mafusire.
Justice Mafusire vaudza Studio7 kuti izvi zvicharerutsira vanhu nekuti hapachashandiswa mapepa akawanda sezviri kuitika pari zvino.
Justice Mafusire vati vanotarisira kuti kusvika muna Ndira gore rinouuya matare epamusoro eConstitutional Court neSupreme Court anenge ave kushandisa nzira iyi.
- Safari Njema
- Thomas Chiripasi
VaMnangagwa Vanoparura Gwara Idzva Rinobata Kodzero dzeVakaremara Pamwe neVari Kunze kweNyika

Mutangamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaparura zviri pamutemo nezuro, Chitatu, hurongwa hwehurumende hwakanangana nekugadzirisa matambudziko anosangana nevakaremara pamwe nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kushanda nekugara mudzimwe nyika.
Vachitaura pachiitoko ichi muHarare nezuro, VaMnangagwa vakati zvakakosha kuti veruzhinji vakoshese kodzero dzevakaremara uye kuti dzichengetedzwe pachishandiswa chirongwa chitsva chavakaparura.
VaMnangagwa vakati vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vane kodzero nezvishuwo zvinofanirwa kuremekedzwa pamwe nekuchengetedzwa, izvo zvakapa kuti hurumende ive negwara rinobata kodzero dzavo.
Vachitaurawo pachiitiko ichi, gurukota rezvekugara kwakanaka kwevanhu, VaPaul Mavhima, vakati chirongwa chehurumende ichi chichabatsira kusandura hupenyu hwevanhu vakawanda vakaremara.
VaMavhima vakatiwo gwara rehurumende rakananganawo nekuchengetedza kodzero dzevana veZimbabwe vari kunze kwenyika sezvo vana vaine kodzero dziri mubumbiro remitemo yenyika.
Vanomirira vakaremara musangano remubatanidzwa wenyika dzemuAfrica, VaNyasha Nhau, vakati chirongwa chehurumende ichi change chakamirirwa kwenguva yakarebha nevakaremara vakawanda.
Vanomirira vakaremara mudare reSenate,Amai Rejoice Timire, vakati chirongwa ichi chichapa mukana kumunhukadzi akaremara, zvinova zvanga zvisingaitiki pamakore ose apfuura.
Zimbabwe ine vanhu vakaremera vanosvika zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana, vakawanda vavo vachiti kodzero dzavo hadzisi kuremekedzwa zvizere.
Asi munyori anoona nezvevakaremara, VaDennis Mudzingwa, vati hapana chinofamba kana pasina kudzikwa mutemo unotsigira hwaro hwakaparurwa naVaMnangagwa.
VaMudzingwa vati hwaro uhwu hwakapa simba rakawandisa gurukota rinoona nezvekugara kwakanaka kwevanhu iro risina vanhu vanorarama nehurema.
MDC Alliance inoti kana ichinge yapinda muhurumende, ichaita kuti gwaro reUnited Nations Convention on the Rights of Persons with Disabilities rishande muno podzikwa mutemo wakanangana nevanhu vanorarama nehurema isati yaparura hurongwa sehwakaparurwa naVaMnangagwa uhwu.
Hwaro hwakaparurwa naVaMnangagwa huchaita kuti pave nevanhu mubazi rogaroga rehurumende vanotarisa nyaya dzevanhu vakaremara.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinotiwo hurumende yaita zvakanaka kubuda negwara rinobatawo shuviro dzezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.
Nguva zhinji vari kunze kwenyika vanogara vakachema nerekuti havasi kukwanisa kuvhota vari munyika dzavagere, kushaya rubatsiro rwehurumende vari munyika dzavari nezvimwe.
Facebook Forum