Accessibility links

Dare Rinomisa Sarudzo dzeBy-Elections Mukanzuru yeGweru

  • Taurai Shava

KOMBAYI HAMUTENDI

Nyaya yekudzingwa kwameya weGweru, VaHamutendi Kombayi, pamwe nakanzura Kenneth Sithole, yatora rimwe danho zvichitevera mutongo wakapiwa nedare repamusoro nezuro muBulawayo rekusendeka parutivi sarudzo dzinofanirwa kuitwa dzekutsiva VaKombayi naVaSithole.

Gweta riri kumirira VaKombayi, VaBrian Dube, vaudza Studio 7 parunhare kuti dare reHigh Court rakatambira chikumbiro chavo chekuti sarudzo dzekutsiva VaKombayi, avo vaive kanzura aimirira Ward 1, pamwe naVa Sithole, avo vaimirira Ward 4, dzimbomira kuitwa, kusvika dare iri rapa mutongo waro pakupikisa kuri kuita vaviri ava kudzingwa kwavakaitwa.

VaKombayi naVaSithole vakadzingwa negurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, pakupera kwaKukadzi mushure mekunge dare rakazvimirira kana kuti independent tribunal yavaive vasarudza yanzwa mhosva yaipomerwa vaviri ava pamwe nemamwe makanzura gumi nematatu eguta reGweru.

Asi VaDube vati mutongi wedare repamusoro, Justice Nicholas Mathonsi, vakabvuma chikumbiro chekuti sarudzo dzekutsiva VaKombayi naVaSithole dzimbomiswa.

VaDube vati vanotarisira kuti dare repamusoro richatanga rapa mutongo waro pachikumbiro chavo chekuti mutongo wekuti VaKombayi naVaSithole vadzingwe wakapiwa neIndependent Tribunal waive usina kufanira.

VaKasukuwere vakamisa makanzura eGweru basa mugore ra2015 vachivapomera mhosva yehuwori pamwe nekutadza basa.

Kunyange hazvo dare repamusoro raive rapa mutongo wekuti izvi zvaive zvisiri pamutemo, VaKasukuwere havana kukasika kuteerera izvi.

Zvichakadaro, sachigaro wekambani ye Zimbabwe International Trade Fair, ZITF, Amai Ruth Ncube, vanoti gadziriro yechirongwa chavo chegore rino iri kufamba zvakanaka.

Amai Ncube vakaudza vatapi venhau munguva pfupi yapfuura kuti kusvika pari zvino zvikamu makumi mapfumbamwe kubva mazana zvenzvimbo yeZITF zvainge zvabhukwa, uye pane nyika gumi neina dzemhiri kwemakungwa dzinosanganisira China, Germany, Japan, Indonesia pamwe nedzemuAfrica dzinosanganisira South Africa, Namibia neTanzania dzakatozivisa kuti dziri kuuya kuchiitiko ichi.

ZITF yegore rino ndeye chimakumi mashanu nesere kubva zvakatanga chirongwa ichi.

Chirongwa cheZITF chakangana nekuratidza vekune dzimwe nyika zvigadzirwa zvemuZimbabwe kuitira kuti zvitengwe kunze kwenyika - izvo zvinozoita kuti nyika iwane mari yekunze, iyo iri kutsvagwa nemaziso matsvuku, kuitira kuti ibatsire mukuvandudza hupfumi hwenyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG