Accessibility links

Breaking News

Dare remuGweru Rinorasa Chikumbiro chaMai Smelly Dube Chekuti Vatongwe Vachibva Kumba


Dare ramejasitireti raramba chikumbiro chaAmai Smelly Dube chekuti vatongwe vachibva kumba.
Dare ramejasitireti raramba chikumbiro chaAmai Smelly Dube chekuti vatongwe vachibva kumba.

Dare ramejasitiriti muGweru rarasa chikumbiro chamuzvinabhizimisi Amai Smelly Dube, chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo mushure mekusungwa vachipomerwa mhosva yekubira hurumende nekutengesera vanhu zvisiri pamutemo nzvimbo dzekuvakira dzimba.

Mutongi wedare VaTaurai Manwere vati vanobvumirana nemaonero emuchuchisi VaMirirai Shumba ekuti Amai Dube vanogona kutiza kana kukanganisa huchapupu nekutaura nevafakazi kana vakapiwa mukana wekuti vatongwe vachibva kumba sezvo mhosva yavakatarisana nayo yakakura.

Amai Dube avo vanove mukuru mukuru wekambani yeRiver Valley Properties, vakasungwa musi wa3 Kurume vachipomerwa mhosva nhatu dzekubira hurumende nekutengesera kuvanhu zvisiri pamutemo nzvimbo dzekuvakira dzimba.

Dzimwe dzenzvimbo dzakatengeswa nekambani yaAmai Dube dzinosanganisira Hertfordshire Phase 1 and 2, neWoodlands Phase 1 and 2, uye kune vamwe vanhu vakatovaka dzimba panzvimbo idzi.

Amai Dube vanonzi vakapara mhosva yavari kupomerwa vachishanda pamwe nevaimbove gurukota redunhu reMidlands VaJason Machaya pamwe nevaimbove mudzviti weGweru VaShepherd Marweyi.

Pari zvino VaMachaya vari mujeri mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisiri izvo kuti vabire hurumende nekutengesera vanhu nzvimbo dzekugara zvisiri pamutemo kuGokwe.

Muchiitiko chakadai chekutanga, svondo rakapera dare ramajisitireti rakaenda pachipatara cheClaybank umo magweta aAmai Dube vari kuti mutongi wedare Manwere vazviwonere vega kuti ichokwadi kuti Amai Dube vaive vatadza kuuya kudare nekuti vairwara.

Rimwe remagweta Amai Dube VaNqobani Sithole vati vanopokana nezvaturwa mudare uye vari kukwira kudare repamusoro reHigh Court nechikumbiro chekuti nyaya yaAmai Dube itongwe vachibva kumba.

Amai Dube vakambokonzera mutauro mushure mekunge vavaka imba yavakapa sechipo kune vaive mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe.

Mune imwewo nyaya, vagari vemuGweru vari kuchema-chema nenyaya yekushaikwa kwemvura yekunwa muguta iri uko vanoti kwave nenguva yakareba zvekuti vave kutyira kuvepo kwezvirwere zvemudumbu.

Mukuru wesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe mudunhu reMidlands Muzvare Locadia Mavhudzi vanoti vanoshushikana nekuti kanzuru haizi kubuda pachena panyaya iyi.

Mukuru wesangano reGweru Residents Forum VaCharles Mazorodze vatsinhirawo kuti havazi kunzwisisa kuti sei vagari vakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemvura iri iyo mvura yakanaya zvakanaka zvikuru mwaka uno.

Meya weguta reGweru VaJosiah Makombe vanoti dambdudziko range richinyanya kunetsa inyaya yekugadziriswa kwemapombi anopomba mvura izvo vanoti kanzuru iri pakati pekuzvigadzirisa.

Maguta nemadhorobha akawanda munyika ave nenguva yakareba achinetseka nedambudziko rekuwanisa vagari mvura yakakwana nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kuve nemidziyo yasakara uye kusanaya zvakanaka kwemvura.

Nyaya ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG