Vekumajeri vapa humbowo pachikumbiro chemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, chekuti apihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.
Vashandi vekumajeri vapa humbowo uhwu mudare pachikumbiro chaChin’ono uyo akaudza dare kubudikidza nemagweta ake kuti vekumajeri havasi kutevedzera zvakatarwa nehurumende pamwe nesangano reWorld Health Organization kuti zvitevedzerwe mukudzivirira mukana wekutapuriranwa kwechirwere cheCovid19.
Chin’ono ati mafambisirwo ari kuitwa zvinhu kumajeri anowedzera mukana wekuti abatwe nechirwere ichi.
Nyaya iyi, iyo yanga ichinzwikwa mudare muine magweta nemutongi chete zvichitevera mutongo wakaturwa nedare wekuti Chin’ono ape hufakazi hwake mudare musingabvumidzwe vatori venhau pamwe neveruzhinji sezvo mutongi wedare akati hufakazi hwaizopihwa naChin’ono hwaizogona kukanganisa kuchegetedzeka kwenyika, majeri, vashandi vemumajeri nevasungwa, yanzi ichaenderera mberi neChishanu.
Rimwe remagweta aChin’ono, VaGift Mtisi vati mutongi wedare, VaNgoni Nduna, vachatura mutongo neMuvhuro pachikumbiro chaChin’ono chekuti atongwe achibva kumba.
Pasvika Chin’ono padare, anga akaiswa chete chemumakumbo nemumaoko, asi azopinda mukati medare abviswa cheni idzi.
Mune rimwe dare, VaJacob Ngarivhume, avo vanga vari mudare zvakare nhasi, vaunzwa mudare vakasungwa maoko nengetani zvashorwa nemutongi panyaya yavo, VaTranmore Utahwashe.
Gweta raVaNgarivhume, VaMoses Nkomo, varatidzawo kusafara nekusungwa kwanga kwakaitwa VaNgarivhume nengetani vekumajeri vachiti vatadza kudzibvisa.
VaNgarivhume, avo vari kupomerwa mhosva yakafanana neyaChin’ono yekunzi vakakurudzira kuti veruzhinji varatidzire zvine mhirizhonga mukati musi wa31 Chikunguru, vari kutarisirwa kudzoka mudare mangwana apo pakatarisirwa kuturwa mutongo pachukumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba.
VaNkomo vati vari kufara kuti vave kukwanisa kupa VaNgarivhume chikafu zvichitevera mutongo wakaturwa nedare repamusoro svondo rapera wekuti vekumajeri vabvumidze magweta nehama dzaVaNgarivhume naChin’ono kuti vavape chikafu.
Chin’ono naVaNgarivhume vakadzoka kudare ramejasitiriti vachiti vanoda kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti pane zvashanduka kubva pavakambonyimwa mukana uyu.
Kusungwa kwaChin’ono naVaNgarivhume kuri kushorwa nevakawanda pasi rose kusanganisira vedzisvondo avo vanoti hurumende yeZimbabwe haisi kukoshesa kodzero dzevanhu.
Asi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaudza Politburo yebato ravo nezuro kuti vedzisvondo vari kutsoropodza hurumende yavo vari kudyidzana nevavengi vavo avo vanoda kuti muZimbabwe muchinjwe hurumende.
Facebook Forum