Accessibility links

Breaking News

Dare Ropa Mutongo Waro paChikumbiro chaChin'ono neMusi weChishanu


Journalist Hopewell Chin’ono talks to his lawyers Nov. 12, 2020, after Magistrate Marehwanazvo Gofa denied him bail on grounds that he had high propensity to abuse social media again. (Columbus Mavhunga/VOA)

Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, acharamba ari muhusungwa zvichitevera danho ratorwa nedare repamusoro rekuti richapa nemusi weChishanu mutongo waro pachikumbiro chaChin’ono chekuti abhadhariswe mari yechibatiso kuitira kuti atongwe achibva kumba kwake.

Mutongi wedare repamusoro, VaTawanda Chitapi, vati dare ramejasitiriti rakakanganisa parakamunyima Chin’ono mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yaari kupomerwa yekunzi akavhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare.

Rimwe remagweta aChin’ono, Amai Beatrice Mtetwa, vaudza VaChitapi kuti mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Marehwanazvo Gofa, vakanganisa pavakatura mutongo wekuti Chin’ono haafanire kubuditswa mujeri sezvo vachiti munhu anogara achipara mhosva.

Amai Mtetwa vati Chin’ono haasati ambobatwa nemhosva chero ipi zvayo muZimbabwe kana kunze kwenyika saka nokudaro haanganzi ihoromori.

Asi gweta rehurumende panyaya iyi, VaCuthbert Bhosva, vaudza dare kuti Chin’ono akapara mhosva yaari kupomerwa iye zvino achishadisa dandemutande rake reTwitter rinova rimwe chetero raakashandisa pakupara imwe mhosva ichiri mumatare yekunzi akakurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati.

Asi Amai Mtetwa vati nyaya yekuti Chin’ono ane imwe mhosva yaakatarisana nayo mumatare hachinganzi chikonzero chinonwisa mvura kuti anyimwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo asati atongwa nenyaya iyi.

VaChitapi vati vachatura mutongo wavo neChishanu mushure mekunge vanzwa mativi.

Rimwe remagweta aChin’ono, VaGift Mtisi, vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, kutongwa kwenyaya iri kupomerwa vatevedzeri vemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti naAmai Lynette Karenyi Kore neimwe nhengo yekomiti yepamusoro mubato iri, VaLovemore Chinoputsa, yekunzi vakaita musarinya pamuzinda weMDC paMorgan Tsvangirai House kwapfuudzirwa mberi kusvika gore rinouya sezvo muchuchisi wenyaya iyi ati hurumende haina kugadzirira zvakakwana.

Nhengo idzi dzakasungwa zvichitevera makakatanwa ari mubato iri apo dzaida kupinda pamuzinda weMDC uyu.

Mune imwewo nyaya, mapurisa aswera ari pane imwe imba achitsvaga musoro wemwana wekwaMurehwa, Tapiwa Makore, uyo anonzi akapondwa akabviswa dzimwe nhengo dzemuviri wake dzichida kushandisa zvechivanhu nevehukama hwake.

Zviuru nezvinhu zvaswera zvakaungana pamba apa zvichiimba zvichiti musoro wemwana uyu unofanira kubuditswa.

Vamwe vanhu vabva kunzvimbo dzakasiyanasiyana muHarare nemuRuwa pavanzwa kuti pane fungidziro yekuti musoro wemwana uyu unogona kunge uri pamba apa.

Mumwe wevanhu ava, Amai Keresenzia Jakarasi, vati vabva kuBudiriro uye moyo wavo hauzorore kana musoro wemwana uyu usina kuwanikwa.

Pataenda pamhepo mapurisa anga achiri pakati pekuchera mubindu repamba apa umo muri kufungidzirwa kuti ndimo makachererwa musoro wemwana uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG