Accessibility links

Breaking News

Dare reDzimhosva Rinoitirwa Mukati meAmburenzi muBulawayo


Tawanda Muchehiwa

VaTawanda Muchehiwa vaunzwa kudare ramejasitiriti muBulawayo vari muamburenzi sezvo kutadza kufamba vega zvichitevera kurohwa zvakaipisisa kwavakaitwa vari muhusungwa.

VaMuchehiwa avo vanove muzukuru wemutapi wenhau ari kutsvagwa nemapurisa, Mduduzi Mathuthu, vaunzwa kudare vari muamburenzi vachiperekedzwa nadhokotera wavo sezvo vari kurwara zvekuti havazi kugona kufamba.

Mapurisa adzinga vatori venhau kuti vasaone zvanga zvichiitika.

Gweta raVaMuchehiw, VaNqobani Sithole, vaudza Srudio 7 kuti mutongi wedare, VaShepherd Mjanja, vaona VaMuchehiwa vari muamburenzi mavange vari kunze kwedare sezvo vatadza kumuka kuti vapinde mudare.

VaSithole vashora kudzingwa kwaitwa vatapi venhau nemapurisa uye vachiti izvi izvi zvinoratidza kuti mapurisa ari kunyara nezvakaitika.

Vati mushure mekudzorwa kumba zvisina tsananguro inonyatsonzwisisika kwaVaMuchehiwa nemusi weMugovera, vakabva vanomhang’ara kumapurisa kuti VaMuchehiwa vaive vapambwa.

VaMuchehiwa vari muchipatara kubvira musi weSvondo.

Vane mavanga mumuviri wese uye zvinonzi itsvo dzavo dzakakuvara sezvo zvichifungidzirwa kuti vakapiwa chikafu chine muchetura.

Gwaro ranyorwa nhasi nachiremba rinotsanangura kukuvara kwakaita VaMuchehiwa raiswa padandemutende reTwitter, rinotsinhira kuti itsvo dzake dzakakuvadzwa, uye murwere haafanirwi kuburitswa muchipatara uye munhu ave kutoradzidza kuti akavhiringika pfungwa dzake kuburikidza nekukuvadzwa kwaakaitwa, kana kuti Post Traumatic Stress Disorder.

VaSithole vati havasati vaudzwa zvekuita nemhuri yaVaMuchehiwa asi vati pane mukana wekuti vakwire kudare reHigh Court kuitira kuti VaMucheiwa vabhadharwe, uye vakavakuvadza vamiswe pamberi pematare edzimhosva.

VaMucheiwa vakasungwa svondo rakapera asi vasingaziikanwe kuti varipi, izvo zvakazopa gweta ravo kuti riise chikumbiro chekumanikidza zviri pamutemo mapurisa kuti auye navo kudare, kana kuti habeas corpus.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti seyi mapurisa adzinga vatori venhau pasvika amburenzi yanga yakatakura VaMuchehiwa.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti vari kushushikana zvikuru nekupambwa nekushungurudzwa kuri kuitwa vanhu vakawanda munyika kunyanya vanopikisa hurumende.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaDoug Coltart, vanyora paTwitter yavo kuti zvinhu zviri kuitwa pavanhu vakaita saVaMuchehiwa nevamwe, ndizvo zviri kupa kuti vakurudziri nyika dzepasi roze kuti dzipindire pane zviri kuitika muZimbabwe.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti VaMnangagwa vanofanirwa kunge vashora zvakadzama kupambwa nekutochwa kuri kuitwa vanhu munyika pamashoko avatura pahurongwa hweState of the Nationa Address.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG