Accessibility links

Breaking News

Dare Rinorasa ChIkumbiro chaHopewell Chin'ono


Hopewell Chin’ono In Court Jan 13
Hopewell Chin’ono In Court Jan 13

Mutongi wedare ramejasitiriti, VaLanzini Ncube, varasa chikumbiro chemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, chekuti nyaya yaari kupomerwa yekuburitsa manyepo iraswe vachipa chikonzero chimwe chete chakapihwa panyaya yaVaJob Sikhala nemusi weChipiri chokuti mutemo uri kushandiswa nehurumende kumupomera mhosva uri pamutemo kunyange hazvo magweta ake achiti mutemo uyu wakaraswa nedare repamusorosoro munyika reConstitutional Court.

Rimwe remagweta ake, VaHarrison Nkomo, vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

Chin’ono pachake audza mutongi wedare paapihwa mukana wekupa hufakazi mudare kuti vanochengetedza vasungwa havasi kutevedzera zvakaturwa nedare kuti asakwidzwe mumotokari ine vamwe vasungwa sezvo achifungidzira kuti anogona kunge akabatira chirwere cheCovid 19 paaive kuSouth Africa.

Chin'ono ati aunzwa kudare ari mumotokari yanga ine vasungwa makumi mashanu nevaviri vamwe vacho vanga vasina kupfeka zvipfeko zvekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid 19 zvakaita semamasiki zvaati zvinogona kuisa vasungwa pamwe nevanochenegetedza vasungwa panjodzi yekubatira chirwere cheCovid 19.

Chin’ono ati ave kuita mapundu kubva paakatanga kuiswa ngetani idzi.

VaNkomo vatsinhira kuti dare raratidza kushushikana zvikuru nezviri kuitwa nevekumajeri izvi.

Chin’ono asvitsawo chikumbiro chekuti atongwe achibva kumba chikumbiro ichi changa chichipikiswa nemuchuchisi wenyaya iyi, Amai Nancy Chandakaona.

VaNcube vati vachatura mutongo wavo mangwana pachikumbiro chaChin’ono ichi.

Zvichakadai, VaSikhala vanzi naVaNduna vadzoke kudare mangwana apo pachatanga kunzwikwa chikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Rimwe remagweta avo, VaPaidamoyo Saurombe, vatenda kuti VaSikhala vasvimha misodzi padare vachigunun’una nemabatirwo avari kuitwa nevekumajeri.

Chin’ono naVaSikhala pamwe chete nemutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, vari kupomerwa mhosva yekunzi vakaburitsa mashoko emanyepo ekuti pane mwana akarohwa nemboma nemumwe mupurisa wemuHarare akafa zvichitevera imwe vhidhiyo yakatenderedzwa nevanhu vakawanda paindaneti.

Asi mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vakaburitsa mashoko vachiti mwana uyu haana kufa, haana kurohwa uye haana kana kukuvara zvakazoita kuti vatatu ava vasungwe.

Asi vasungwa ava vanoti vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG