Accessibility links

Breaking News

Dare Rinotonga Kuti Kanzuru yeHarare Iwanise Vagari vekuTynwald Nzvimbo yeKuvakira Chikoro


dare reHigh Court rakatonga kuti kanzuru yeHarare isiye nzvimbo yechikoro muTynwald.
dare reHigh Court rakatonga kuti kanzuru yeHarare isiye nzvimbo yechikoro muTynwald.

Dare repamusoro nemusi weChina rakatura mutongo wekuti kanzuru yeHarare isiye nzvimbo yekuti vagari vekuTynwald South muHarare vakwaniswe kuvaka chikoro.

Vagari ava pamwe nerimwe sangano rinomirira vagari reHarare Residents Trust vainge vakwidza kudare gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo uye kanzuru yeHarare vachiti vanoda pekuvakira chikoro sezvo nzvimbo yainge yanzi ndeyechikoro yakatengeserwa mumwe munhu zvake akabva avaka chikoro chiri kunzi nevagari ndecheshoroma.

Izvi zvange zvopa kuti vana vechikoro varombo vafambe nzendo ndefu kuenda kune mimwe misha kuchikoro.

Nzvimbo iyi yakavakwa muna 1996 kuburikidza nechirongwa chebhanga reCABS uye ine vagari vanosvika zviuru gumi nezvitanhatu.

Hatina kukwanisa kubata VaMoyo kana mutauriri wekanzuru yeHarare VaMichael Chideme sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti sesangano vari kufara zvikuru nemutongo wapiwa naJustice Chitapi.

Mumwe mugari wemuTynawald South Amai, Loreen Mupesa, vanoti vakabatsirwa zvakasimba neHarare Residents Trust pamwe nesangano remagweta, reZimbabwe Lawyers for Human Rights mukurwira kuti mumusha mavo muve nechikoro.

Hurukuro naVaPrecious Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naAmai Loreen Mupesa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG