Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Rinokomekedza Hurumende Kuzivisa Zvakazara Pamusoro peCovid-19


Nick Mangwana
Nick Mangwana

Kunyange hazvo dare reHigh Court rakapa mutongo nemusi weMuvhuro wekuti hurumende iburitse mashoko akakwana pamusoro penzvimbo dzinoongorora Covid-19 pamwe nekurapwa kwevannhu vane denda iri, hurumende inoti mutongo uyu wauya apo hurumende yave kutoita izvi nechakare.

Asi izvi zviri kupikiswa nenyanzvi munyaya dzehutano, vatori venhau neveruzhinji.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaudza Studio7 kuti maonero ebazi ravo ndeekuti zvakakosha kuti veruzhinji vawane mashoko pamusoro peCovid-19 kuitira kuti vakwanise kuzvidzivirira pamwe nekudzivirira vamwe kubva kudenda iri.

Zvimwe zvinodiwa nemutongo wedare kuti hurumende izivise veruzhinji kuti mhando yehutachiwana hweCovid-19 uhwo hune hukasha hwakabva kuSouth Africa hwave munyika here uye kuti vari kuitei nezvahwo.

VaMangwana vati havagoni kuita izvi pari zvino.

Mumashoko avo kudare mukuru anoona nezvekurapwa kwezvirwere mubazi rehutano, Dr Maxwell Hove, vakati bazi ravo rinoburitsa mashoko akakwana pamusoro peCovid-19 uye vanoshandisa mapenhau, nhepfenyuro nemadandemutande akasiyana kuita izvi.

Vanotiwo manyepo kuti huwandu hwevanhu vari kuongororwa nekufa huri kuburitswa nehurumende ndehwemanyepo vachiti vanotaura izvi havazive zvinodiwa pakurwisana nedenda iri.

Zvichakadai, zvisinei nemashoka aVaMangwana naDr Hove, veruzhinji vanoti havana ruzivo rwakakwana pamusoro penzvimbo dziri kuongororwa Covid-19.

Mumwe mugari wepaMupandawana kwa Gutu, VaLast Mafuratidze, vati vazhinji vari murima pamusoro pudenda iri.

VaMusekiwa Bhanire vekwaMtoko vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vachiziva kuti kune Covid-19 uye yakatombouraya vanhu munzvimbo iyi, havana ruzivo rwenzvimbo dziri kuitwa ongororo yedenda iri.

Vatori venhau vanotiwo havawani mashoko avanoda nguva dzose pamusoro peCovid-19 kubva kuhurumende.

Mupepeti webepanhau reHealth Times, VaMichael Gwarisa, vati mutongo weHigh Courtt wakakosha chose vachiti kana hurumende ikautevedza zvichabatsira vakawanda.

Vatiwo vakuru vakuru mubazi rezvehutano nehofisi yemutungamiriri wenyika anoona nezveCovid-19 havaburitsi mashoko kunyange kuvatori vanhau.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa zvakare munyori anoona nezvehutano mubato guru rinopikisa reMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, vati ichokwadi kuti hurumende haisi kuburitsa mashoko akakwana pamusoro pekuongororwa kwedenda iri pamwe nevanhu vanenge vafa.

Vatiwo zvinosuwisa kuti vanhu vari kurwaraeneCovid-19 vari kubirwa mari dzakawanda nekuda kwekuti hurumende haisi kubuda pachana pamusoro pekuti vanhu vane denda iri vanorapwa kuti uye sei.

Dr Madzorera vatenda MISA-Zimbabwe nekuenda kudare vachiti vanovimba kuti izvi zvichaita kuti hurumende ibude pachena pamusoro peCovid-19.

Dare repamusoro rakatura mutongo uyu mushure mekunge Media Institute of Southern Africa-Zimbabwe, yasvitsa chikumbiro chekuti bazi rezvehutano, bazi nebazi rekuburitswa kwemashoko anofanira kuburitsa mashoko akazara pamusoro pekuongororwa kwehCovid-19, kurapwa kwevanhu vane chirwere ichi pamwe nematanho ari kutwa kudzivirira kupararira kwehutachiwana uhwu.

Muchikumbiro chayo, MISA-Zimbabwe yaidawo kuti mapazi aya azivise huwandu hwevanhu vane denda iri mumatunhu ese munyika, pamwe nehuhwandu hwevanhu vari kupinda munyika uye kuti vane Covid-19 here kana kuti kwete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG