Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti VaChiwenga Ngavadzosere Vana Kuna Muzvare Marry Mubaiwa


VaConstantino Chiwenga
VaConstantino Chiwenga

Dare repamusoro rakomekedza mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, kuti vadzosere vana vatatu kumudzimai wavo wavari kunetsana naye, Muzvare Marry Mubaiwa.

Mutongi wedare repamusoro, VaChristopher Dube Banda, vatura mutongo wekuti VaChiwenga vadzosere vana vavo vatatu vachiri pasi pemakore gumi nemasere kuna Muzvare Mubaiwa, uyo wavari kurambana naye.

VaChiwenga vanzi vadzosere vana ava mukati memaawa maviri kubva paturwa mutongo uyu nedare.

VaChiwenga vakatora vana ava Muzvare Mubaiwa vari mujeri mushure mekusungwa kwavakaitwa vachipomerwa mhosva yekuda kuuraya ivo VaChiwenga, kufojera mapepa emuchato VaChiwenga vari muhurwere pamwe nekuburitsa kunze kwenyika zvisiri pamutemo mari inodarika miriyoni imwe nemazana mapfumbamwe emadhora ekuAmerica.

Mumutongo wavo, VaDube Banda vatiwo VaChiwenga vabvumidze Muzvare Mubaiwa kugara pamba yavo yavaigara vachiri pamwe chete yekuBorrowdale sezvakanga zvaturwa nedare uye kuti vasavatadzise kugara pamba apa.

VaChiwenga vakanga vachirambidza Muzvare Mubaiwa kugara pamba apa vachiti havangagare nemunhu aida kuvauraya uye ivo vari mufakazi pamhosva dziri kupomerwa Muzvare Mubaiwa.

VaDube Banda vatiwo zvakare VaChiwenga vadzosere midziyo yavakatora kubhizimusi raMuzvare Mubaiwa reOrchid Gardens riri kuDomboshava vachishandisa motokari yemasoja uye kuti vasavhiringidze zvinoitwa pabhizimusi iri. Dare rati midziyo iyi idzoswe mukati memaawa makumi maviri nemana

Mutongi wedare ati Muzvare Mubaiwa vadzoserwe motokari nhatu dzavakanga vatorerwa naVaChiwenga uye dare rati VaChiwenga vabhadhare magweta aMuzvare Mubaiwa panyaya iyi.

Muzvare Mubaiwa vanga vakamirirwa negweta ravo, VaTaona Nyamakura, uye VaChiwenga vanga vakamirirwa naAdvicate Lewis Uriri.

VaUriri vati vatokwidza kupikisa kwavo mutongo uyu mudare repamusorosoro, ukuwo VaNyamakura vati VaChiwenga vanofanirwa kutevedza mutongo wedare kudzamara chichemo chanzwikwa nedare repamusoro soro.

Please add comments from Nyamakura and Uriri. Have the papers been served to Chiwenga? Did he comply with the order?

Zvichakadai, rimwe gweta remuHarare, VaKudzayi Kadzere, vati chinofadza pamutongo waturwa nedare uyu ndechekuti dare rakoshesa bumbiro remitemo yenyika.

Mumapepa ari pamberi pematare, VaChiwenga vanoti Muzvare Mubaiwa vakabvisa zvaishandiswa nanachiremba muchipatara chekuSouth Africa pavaiyedza kuvararamisa vachirwara vaine chinangwa chekuti vafe.

Vanotiwo mudzimai wavo akaburitsa mazakwatira emari kunze kwenyika zvisiri pamutemo vakatenga dzimba mbiri nemotokari nhatu dzemhando yepamusoro kuSouth Africa kwakare.

Pamusoro pezvo, VaChiwenga vanoti Muzvare Mubaiwa vakafojera mapepa ekuti vachate vose ivo VaChiwenga vari muhurwere pamuchato usina kuzobudirira.

Asi Muzvare Mubaiwa vari kuramba mhosva dzose dzavari kupomerwa idzi.

VaChiwenga vakazokwidza nyaya yekurambana kwavo kumatare vachida kuti vagovaniswe pfuma yavo nemudzimai wavo mushure mekudzoka munyika muna Zvita vachibva kuChina kwavairapwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG