Accessibility links

Breaking News

Dare Rinobvisisa Mari yeChibatiso Nhengo dzeArtuz Dzakasungwa Svondo Rapera


Obert Masaraure
Obert Masaraure

Nhengo dzesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe nevamwe vanhu vatatu vakasungwa vhiki rapera vachipomerwa mhosva yekuratidzira, vapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.

Mutongi wedare, Amai Yeukai Dzuda, vati havaoni zvikonzero zvekunyima vanhu gumi nevatanhatu ava mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Nhengo dzeArtuz idzi kusanganisira mutungamiriri wesangano iri VaObert Masaraure, nevamwe vaviri vanzi vabhadhare mari yechibatiso madhora zviuru zvishanu zvemari yemuno.

Mumwe wevasungwa ava, Sharon Tambudzai uyo anonzi mwana wechikoro apiwa mukana wekutongwa achibva kumba pasina mari yechibatiso yaanobvisa.

Rimwe remagweta evarairidzi ava, VaTinashe Chinopfukutwa veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vaudza Studio 7 kuti pamusoro pemari yechibatiso, vasungwa ava vanofanirwa kuzviratidzawo kumapurisa ari pedyo nawo pamwe nekusakanganisa vafakazi.

VaChinopfukutwa vati vagutsikana nemutongo wedare. Vatiwo vasungwa ava vanzi vadzoke mudare musi wa17 Kukadzi.

Munyori mukuru weARTUZ, VaRobson Chere, vaudza Studio 7 kuti zvisinei nekusungwa kwakaitwa vamwe vavo, nhengo dzeArtuz dzicharamba dzichienderera mberi nekuratidzira kuti vawane mihoro inoita kuti vararame.

Varairidzi ava vanoti vari kuda kuti hurumende iwedzere vashandi mari dzemihoro kuitira kuti mushandi atambire mari inodarika mazana matanhatu emadhora ekuAmerica.

Mukupeta nyaya dzaitika kumatare edzimhosva nhasi, Muzvare Marry Mubaiwa, avo vari kurwara,vambofenda nhasi vachienda kudare, vakatozobatsirwa nevamwe vavo kuti vakwanise kufamba.

Muzvare Mubaiwa vane nyaya iri mudare iyo vari kupomerwa kuti vakaita muchivande muchato wavo nemurume wavo wavari kunetsana naye mumatare, VaConstantino Chiwenga, vanova mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

VaChiwenga ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika sezvo VaEmmerson Mnangagwa, vari pazororo.

Senzira yekuroverera Muzvare Mubaiwa nemhosva yavari kupomerwa, vachuchisi vehurumende vari kutarisira kushandisa gwaro rakanyorwa nechimwe chapupu, VaMichael Louzidis, avo vakashaya.

Nyaya yaMuzvare Mubaiwa yava nenguva iri mumatare uye vakamboedza kuti vapihwe vana vavo avo vari kugara naVaChiwenga, asi izvi hazvisati zvabudirira.

Mune imwewo nyaya mapurisa anoti achaenderera mberi nekusunga vanhu vane dzimotokari dzisina miteropamwe nedzisina ma number plates izvo zvakonzera kutaura kwakanyanya pamadandemutande, veruzhinji vachitsutsumwa kuti ma number plates aya haasi kuwanikwa nyore kuCentral Vehicle Registry kunyange hazvo vazhinji vakatobhadhara mitero inodiwa.

Mapurisa anoti achasungawo motokari dzehurumende dzinenge dzisinawo ma number plates.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG