Accessibility links

Breaking News

Dare Rinorasa Chikumbiro Chekuti Kunetsa kweMvura muHarare Kutarwe seDambudziko Rakurisisa


FILE - Residents collect water at night from an electric-powered well, as the country faces 18-hour daily power cuts, in a suburb of Harare, Zimbabwe, July 30, 2019.
FILE - Residents collect water at night from an electric-powered well, as the country faces 18-hour daily power cuts, in a suburb of Harare, Zimbabwe, July 30, 2019.

Dare repamusoro rarasa chikumbiro chesangano reCommunity Water Alliance chekuti kunetsa kuri kuita mvura muHarare kutorwe sedambudziko guru ratarisana nenyika.

Mutongi wedare repamusoro, VaOwen Tagu, varasa chikumbiro chesangano Community Water Alliance chekuti kanzuru yeHarare pamwe nehurumende vamanikidzwe kupa vagari vemuHarare mvura yakachena uye kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaise chidhindo chavo chekuti kushayikwa kwemvura yakachena ratove dambudziko guru rakatarisana nenyika, kana kuti national disaster.

Vachitura mutongo wavo, VaTagu vati chikumbiro cheCommunity Water Alliance ichi chasara kumashure kwenguva sezvo hurumende iri kubatsirana nekanzuru yeHarare kuti muHarare munge muine mvura yakachena kubudikidza nemari inonzi yakapihwa kanzuru yeHarare.

Asi mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vaudza Studio7 kuti mari yavakapihwa nehurumende yakanga yakanangana nekugadzirisa pombi dzemvura kwete kutenga mishonga yekuchenesa mvura.

Mutongo waturwa nedare washorwa nemukuru anoona nezvezvirongwa musangano reCommunity Water Alliance, VaHardlife Mudzingwa.

VaMudzingwa vati madhamu anotorwa mvurwa nekanzuru yeHarare ari kupwa zvinoratidza kuti dambudziko remvura muHarare riri kutoramba richikura.

Vatiwo mutongo waturwa nedare unotyora kodzero dzeveruzhinji dzekuti vave vanowana mvura yakachena nguva dzose sezvo pombi dzekanzuru dzichiri kubuda mvura ine tsvina.

VaChideme vakurudzira vagari kuti vabhadhare mabhiri avo emvura kuitira kuti kanzuru igokwanisa kutenga mishonga yekuchenesa mvura.

Asi meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vakabuda pachena nguva yapfuura kuti kanzuru yavo iri kutadza kutenga mishonga yekuchenesamvura sezvo iri kutadza kuwana mari yekunze inokwana kubva kubhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe.

Zimbabwe yakatarisana nadambudziko rekushayikwa kwemari yekunze izvo zviri kutadzisa nyika kutenga zvinhu zvakawanda zvinoda mari yekunze zvakafanana nemagetsi, mafuta edzimotokari nezvimwe zvakadaro.

Hatina kukwanisa kutaura nagavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, kuti tinzwe kuti matanho api avari kutora kuti vawane mari yekunze iri kudiwa nekanzuru yeHarare nehurumende kuti patengwe zviri kudiwa kubva kunze kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG