Mabhishopi emakereke ari musangano reZimbabwe Council of Churches aita musangano mukuru muBulawayo neChitatu.
Musangano uyu wange uri wekukurukura mamiriro akaita zvinhu munyika, uye kuronga mafambisiro avangaita nyaya dzekubatsira mugagadzirisa mamiriro akaita zvinhu munyika.
Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vaudza Studio7 kuti vemakereke nemadzishe vachaita musangano neChina, muBulawayo mekare wekuzeya nyaya iyi.
“Vemakereke nemadzishe ndivo vanogara muvanhu, ndivo vanogara nevanhu, ndivo vari mukati mevanhu, vanonzwisisana navo. Naizvozvo tiri kugara pasi nemadzishe mangwana mumusangano wekuti tizokwanisa tese kuita hurukuro nehurumende pamusoro pezvinhu zviri kunetsa munyika nekubatsirana pagwara rekuti nyika itore takatarisa mberi,” Doctor Mtata vaudza Studio 7.
Doctor Mtata vati panofanirwa kutenderanwa pamusoro pezvinhu zvinofanirwa kuitwa, vachiti mamiriro akaita zvinhu anosungira vanhu vese kuita zvinofanirwa pamwe chete.
Vapamidzira vachiti kune vanhu vazhinji vane mikana yekutaura asi vanotaura zvisingavaki uye zvisina zvazvinobatsira vanhu veruzhinji naizvozvo vanhu vese vanofanira kubvumirana inzwi rimwe chete rekutaura naro.
Facebook Forum