Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Council of Churches Inoshora Mashoko eKutukana Mune Zvematongerwo Enyika


VaBrian Nichols
VaBrian Nichols

Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, re State Department, nezuro rakasheedza ku mahofisi aro mumiriri weZimbabwe mu America, VaAmon Mutembwa, kuti vatsanangure kutukwa kwakaitwa mumiriri weAmerica mu Zimbabwe, VaBrian Nichols, nevakafanobata chigaro chemutauriri weZanu-PF, VaVaPatrick Chinamasa, avo vakati vaNichols vanopindira munyaya dzisineyi navo naizvozvo vanofanirwa kudzingwa munyika.

Izvi zvinogona kukanganisa zvakanyanya hukama nekudyidzana pakati penyika mbiri idzi.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, vaChinamasa vakati VaNichols idzenga riri kupindira munyaya dzarisineyi nadzo, naizvozvo vanofanirwa kudzingwa kubva munyika.

VaChinamasa vakati VaNichols ndivo vari kutsigira hurongwa hwekuratidzira nemusi weChishanu svondo rino, 31 Chikunguru.

Mumwe wevakuru mu Zanu-PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti VaNichols vanozviidza mwari uye havachazvitori semumiriri weimwe nyika sezvo vave kupindira mune zvematongerwo enyika yeZimbabwe.

Asi sangano remakereke, reZimbabwe Council of Churches, rinoti Zimbabwe yave nenguva refu ichinetseka mukutsvaka shamwari nemadzisahwira muZimbabwe nekunze kwenyika, naizvozvo vakuru vehurumende havafanirwi kutaura zvinhu zvisina humbowo.

Munyori we Zimbabwe Council of Churches, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vati sangano ravo rinoshora mashoko ekuti vanhu vari mumapato ezvematongerwo enyika anopikisa vanhu vanopfurikidza mwero, kana kuti ma‘terrorists’.

Vati sangano ravo rinokurudzira hurumende nevakuru vebato riri kutonga kuti vasakurudzira zvizvarwa zve Zimbabwe kuti zvirwisane pamusoro pegutsigira kwavo mapato akasiyana, vachiti zvinopinza Zimbabwe pamawere paisingazogone kudzoka.

Vati Zimbabwe Council of Churches inokurudzira hurumende, pamwe chete nebato riri kutonga kuti vachengetedze kodzero dzevanhu vose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG