Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzokurudzira Kurwiswa kweHuwori hweSarudzo


Hurumende iri kuvimbisa sarudzo dzakachena, asi vamwe vari kuti kutaura chete.

Nyanzvi mune zvesarudzo nekurwisa huwori dzinoti huwori hwesarudzo hwunofanirwa kurwisa munyika kuti Zimbabwe ikwanise kuita sarudzo dzakajeka uye dzakasununguka.

Vachitaura neStudio 7, mukuru weElections Resource Centre vaTawanda Chimhini vanoti sarudzo dzejekerere dzinogoneka chete kana huwori hwakakwanisa kubviswa zvachose.

VaChimhini vanoti kusununguka zvakazara kwesangano reZimbabwe Electoral Commission, iro rinoona nezvesarudzo munyika, risingatungamirirwi nehurumende mumabasa aro zvinounza sarudzo dzejekerere.

VaChimhini vanotiwo Zimbabwe yakatarisana nedambudziko guru revarikutsvaga rutsigiro vari kupa vavhoti zvinhu kuti vawane rutsigiro, vachiti uhwu huwori uye kutyora mutemo wesarudzo wemunyika. Vanoti vanototarisira kuti vanoita zvakadai varambidzwe kukwikwidza musarudzo dzakatarisirwa gore rino.

Izvi zvatsigirwa nemukuru weAnti Corruption Trust of Southern Africa muZimbabwe, VaObert Chinhamo, avo vanoti vavhoti muZimbabwe vari kutengwa zvakanyanya. VaChinhamo vanoti huwori uhwu huri kubuda kunyangwe kusarudzo dzemapato, vachiti hwakaipa zvikuru uye hazvidiwi nemutemo. Vakurudzirawo vatori venhau kuti vabudise pachena vanotsvaka rutsigiro kuburikidza nekutenga vavhoti.

VaChinhamo vaudzawo Studio 7 kuti huori hwesarudzo uhwu ndihwo hunoita kuti vanhu vasarudze vatungamiriri vasina hutongo hwakanaka zvinozoita kuti nyika irambe iri pasi.

Nguva zhinji dzesarudzo munyika vezvematongerwo enyika, kunyanya hurumende yeZanu PF, vanopa vavhoti zvinhu zvakadai sezvekurimisa, zvekudya nezvimwewo mukutsvaka rutsigiro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG