Bazi rezvehutano rinoti pane vanhu zana nemakumi maviri nemapfumbamwe vakabva kunyika dzakabatwa vanhu chirwere che coronavirus vari kumboongororwa munyika kusvika musi wa7 Kukadzi kuti vaonekwe kuti havana kutapurirwa chirwere ichi here.
Vanhu ava vakasvika munyika pakati pa25 na28 Ndira, unove mwedzi uno, vachibva kunyika dzakasiyanasiyana dzabatwa nedambudziko rechirwere ichi, kusanganisira China, uko kwachakatangira.
Chirwere ichi chauraya vanhu vanosvika zana nemakumi manomwe kuChina kwakare uye vamwe vanodarika zviuru zvipfumbamwe nemazana matanhatu vabatwa nacho kusvika pari nhasi munyika iyi.
Kunze kweChina, chirwere ichi chawanikwawo kunyika dzinosvika gumi nesere dzinosanganisira America, France, Germany, Japan neVietnam.
Vaimbova gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera vanoti vanoona zviri zvinhu zvakanaka zvekudzivirira vanhu kuti chirwere ichi chisapararira.
Doctor Madzorera vanotiwo vanoona zvakakodzera kuti vanhu vari kutarisiswa ava vange vachimbogara vari kudzimba dzavo vachiongororwa sezvo pasati pave nemunhu abatwa nechirwere.
Vanoti nekuda kwekuoma kwezvinhu mune zveupfumi, Zimbabwe haizokwanise kuita sedzimwe nyika dzakabudirira dzinonzi dzakatovaka zvipatara zvekuchengetera vanhu vari kuongororwa kana vakabatwa nechirwere ichi.
Facebook Forum