Apo pasi rose riri kucherechedza zuva revatengi vezvinhu zvinotengeswa kwakasiyanasiyana, vagari vekuMasvingo vanoti hapana chekucherechedzera zuva iri sezvo hupenyu huri kuramba huchioma munyika zvichikonzerwa nekukwira kwemitengo yezvinhu.
Vachitaura pamusangano wekucherechedza zuva iri waitirwa muMasvingo, vanhu vazhinji vanoti mitengo yezvinhu muzvitoro haina kudzika kubva payakakwira gore roda kunopera, zvichitevera kupinda kwaVaEmmerson Mnangagwa panyanga muna Mbudzi.
Mumwe mugari wekuMucheke, Muzvare Tracy Musakaruka, vati mitengo iri kuramba ichikwira zviri kuita kuti vatadze kuriritira mhuri yavo zvakakwana uye zvichityora kodzero dzevatengi.
Vamwewo vakaita sa Amai Sungano Zvarebwanashe vanoti kunze kwechikafu nezvimwe zvinhu zvakaita sekubhadhara mvura, magetsi pamwe nemitero yemumabhanga iri kudhurira veruzhinji izvo zviri kuwedzera kuoma kwehupenyu.
Vagari vazhinji vanoti mashoko anotaurwa nehurumende ekuti yakakwanisa kushandura zvinhu munyika pamazuva zana ekutanga, manyepo sezvo vatengi vari kunonga svosve nemuromo nekutadza kutenga zvikafu nekubhadhara zvimwe zvinodiwa muupenyu nenyaya yemitengo yakakwira.
Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano rinorwira kodzero dzevatengi re Consumer Council of Zimbabwe, muMasvingo, VaDumisani Mungushini, vanoti kukwira kwemitengo kuri kukonzerwa nekushaikwa kwemari munyika.
Vanoongorora magariro evanhu, VaMunyaradzi Chauke, vanoti hurumende iri kukundikana kugadzirisa nyaya yemitengo.
"Zviri kutaurwa nehurumende, zvakasiyana nezviri pa ground tinonzwa kuti zvinhu zvinofanira kudzika asi zviri kutokwira, for example ndoda kubata nyaya yefuel yakanzi pane price yagazetwa zvakaitika kwe one week ma price ikaita sky rocketing, infact pa new dispensation ma prices mazhinji ezvinhu mumashopu akakwira saka pa 100 days hapana zvakaitwa," vadaro VaChauke.
Studio 7 yatadza kubata hurumende kuti itipewo divi rayo asi vagari vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu munyika kuri kuita kuti hupenyu huvaomere.
Facebook Forum