Sangano rinorwira kodzero dzevatengi pamwe nekuvadzivirira, reConsumer Council of Zimbabwe, CCZ, rinoti mhuri ine vanhu vatanhatu yava kuda mari inoita madhora emunyika zviuru makumi maviri nemazana mapfumbamwe nemakumi masere nemashanu kana kuti ZWL$20 985.00 pamwedzi kuti ikwanise kurarama.
Sangano iri rinoti mari iyi ndeye mhuri inotambira mari shoma ichigara muguta.
Mhuri iyi inonzi inoda madhora emunyika zviuru gumi nechimwe nemazana matatu ane gumi nerimwe, kana kuti ZWL$11 311.00 pamwedzi yekutenga chikafu chete, kuchitiwo chiuru chemadhora emunyika nemakumi matanhatu ekutenga sipo dzekugezesa nekuwachisa.
Pamusoro pezvo, mhuri iyi inodawo madhora emunyika zviuru zvisere nemazana matanhatu negumi nemashanu, kana kuti ZWL$8 615.00 pamwedzi yepekugara, mvura, magetsi, hutano, dzidzo, zvekupfeka pamwe nezvekufambisa pamwedzi.
Mutungamiri wesangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti kunyange hazvo gwaro reCCZ iri raburitsa kutambura kuri kuita vashandi, harina kunyatoburitsa zvose zvakakwana zvinofanirwa kunge zvichiwanikwa nemushandi kuitira kuti ararame zvakanaka nemhuri yake.
VaMutasa vanoti vashandi vakawanda vari kutambira mihoro iri pasi kwazvo kumari inodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu iyi .
Zvichakadaro, nyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti vanowirirana netsvakurudzo yeConsumer Council of Zimbabwe iyi.
Facebook Forum