Accessibility links

Breaking News

Vatongi veConstitutional Court Vakadomwa neMutungamiri weNyika Votarisirwa Kutoreswa Mhiko


Dare reConstitutional Court muHarare.

Vatongi vedare reConstititonal Court vashanu vakadomwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neChitatu vari kutarisirwa nemusi weChina kutoreswa mhiko nevakafanobata chigaro chemutongi mukuru wematare Justice Elizabeth Gwaunza.

Vatongi ava vanoti Justice Paddington Garwe, Justice Rita Makarau, Justice Anne-Mary Goora, Justice Ben Hlatshwayo naJustice Bharat Patel.

Vashanu ava vange vachishanda havo sevatongi vedare iri asi vakangobata zvigaro uye vari pakati pevatongi gumi nevaviri vakange vabvunzurudzwa paruzhinji muna Gunyana gore rapera pane vaida mabasa aya.

Gweta uye vari nhengo yeZanu-PF vakamirirawo VaMnangagwa panyaya yekupikisa kwakaita MDC Alliance zvakabuda musarudzo dza2018, VaTinomudaishe Chinyoka, vanoti chinhu chakanaka chose kuti dare iri rive nevatongi.

Hurukuro naVaTinomudaishe Chinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Ko kusarudzwa kwevatongi ava kungabatsira here kugadzirisa nyaya yanetsa munyika yekuti yekuti ndiyani achatonga nyaya yemutongi mukuru wematare VaLuke Malaba vakamanikidzwa kusiya basa nedare repamusoro mushure mekuvandudzwa kwebumbiro remitemo kwakanzi kwainge kusiri pamutemo nedare repamusoro?

Vaimbova chipangamazano chemutungamiri wehurumende, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, vari gweta, Dr Alex Magaisa, vanoti kudomwa kwevatongi ava hakuna zvakunoshandura sezvo vagara vari pazvigaro izvi.

Hurukuro naDoctor Alex Magaisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG