Accessibility links

Breaking News

Bhiri reMutemo weRunyararo neKuregererana Roshoropodzwa


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Sachigaro vesangano reNational Transitional Justice Working Group, VaALec Muchadehama, vanoti sangano ravo harisi kufara nebhiri rekuumba komisheni ichange ichiona nezverunyararo pamwe nekuregererana munyika, kana kuti Peace and Reconciliation Commission Bill.

Sachigaro vesangano reNational Transitional Justice Working Group, VaALec Muchadehama, vanoti sangano ravo harisi kufara nebhiri rekuumba komisheni ichange ichiona nezverunyararo pamwe nekuregererana munyika, kana kuti Peace and Reconciliation Commission Bill.

VaMuchadehama vanoti bhiri iri rinopikisana nebumbiro remItemo uye rinopa simba kuhurumende kunyange hazvo bumbiro remitemo richiti komisheni iyi inofanira kunge yakazvimirira.

Vachitura pfungwa dzavo kuvatori venhau pamusoro pebhiri iri neChishanu muHarare, iro rakaburitswa mupenhau rezviziviso zvehurumende, kana kuti Government Gazette, musi wa18 Zvita gore rapfuura, VaMuchadehama vati bhiri iri reNational Peace and Reconciliation Bill rakasiiririra zvakawanda uye rine zvizhinji zvisingatarisirwe neveruzhinji.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatiwo bhiri iri harienderani nebumbiro remItemo vakati semuenzniso komisheni iyi ine hupenyu hwemakore gumi asi bhiri iri rinoti makomishina ekomisheni iyi achange aripo kwemakore mashanu chete.

Vaenderera mberi vachitiwo pane kuti komisheni ishande yakazvimirira, bhiri iri rinoti komisheni iyi ichange ichishanda iri pasi pebazi rehurumende rinoona nezvekuregererana iro riri pasi pemumwe wevatevedzeri vemutungamiriri wenyika, VaPhelekezela Mphoko.

Vatiwo bhiri iri rinopa hurumende simba rekupa mari komisheni pamwe nekupinza vashandi basa uye vati izvi nezvimwe zvakawanda hazvienderani nezvinodiwa nebumbiro remitemo.

Vati vari kutsvaga pfungwa dzemamwe masangano anoshanda akazvimirirauyewo vachataura neveruzhinji, nenhengo dzeparamende kuti dzigadziririse zvese zvavanofunga kuti zvakashata pabhiri iri risati rapaswa kuti rive mutemo.

Vatiwo kana hurumende ikaomesa musoro ikapasisa bhiri iri kuti rive mutemo risina kusandurwa vachakwidza nyaya iyi kudare reConstitutional Court.

Mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights Association, VaOkay Machisa, vaudza Studio 7 kuti vanobvumirana nemaonera aVaMuchadehama vachiti hurumende inofanira kutevedza bumbiro remitemo.

Mukuru wesangano reHuman Rights NGOs Forum, VaLloyd Kuvheya, vaudzawo Studio 7 kuti vatotanga kutaura nenhengo dzeparamende pamusoro pebhiri iri, uye itariro yavo yekuti bhiri iri richasandurwa risati rasainwa kuve mutemo.

Paramende, iyo iri pazororo, inotarisirwa kutanga basa musi wa 2 Kukadzi apo inotarisirwa kuzeya bhiri iri nemamwe.

Zvichakadai, mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatodoma nhengo dzeNational Peace and Reconciliation Commission. Bhishop Ambrose Moyo ndivo sachigaro wekomisheni iyi.

Dzimwe nhengo dzekomisheni iyi ndiAmai Lilian Chigwedere, Amai Pateicne Chiradza, Amai Choice Ndoro Netty Musanhu, VaCharles Masunungure, VaGeoffrey Chada, VaLeslie Ncube pamwe naVaGodfrey Chekenyere.

XS
SM
MD
LG