Accessibility links

Breaking News

COPAC Yoendeswa kuDare rePamusoro Soro neSangano Rakarerekera kuZanu PF


Mukuru weVatongi veMatare, VaGodfrey Chidyausiku
Mukuru weVatongi veMatare, VaGodfrey Chidyausiku
Dare repamusoro soro reSupreme Court neMuvhuro riri kutarisira kunzwa nyaya yakakwidzwa kudare iri nesangano reFederation of Non Governmental Organizations yekuti komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCOPAC, iburitse zvakataurwa nevanhu panguva yekunzwa pfungwa dzavo kana kuti National Statistical Report mukati memazuva gumi.

Mutungamiri wesangano reFederation of Non-Governmental Organizations, VaGoodson Nguni, avo vanodyidzana neZanu-PF, vanoti mumapepa avo kudare vanoda kuti vanhu vemuZimbabwe vawane kodzero yekuona kuti zvavakataura ndizvo here zviri mugwaro rebumbiro rekutanga reCOPAC.

Bato reZanu-PF rakatozivisawo neChitatu kuti riri kudawo kuti National Statistical Report iendeswe kuAll Stakeholders Conference.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti Zanu-PF iri kuda kuyedza kukanganisa chirongwa chekuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Asi VaNguni vanoti COPAC ndiyo isiri kuda kutevedzera zvakataurwa nevanhu.

Mutauriri weCOPAC, Muzvare Jessie Majome veMDC-T, vanoti zviri kuitwa naVaNguni kupedza nguva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG