Accessibility links

Breaking News

Kunyangwe Bumbiro Rasvitsa Makore Mashanu, Vamwe Vanoti Zvizhinji Zvisati Zvazadzikiswa


Munyori wesangano revakarwa hondo, VaVictor Matemadanda, vakabata bumbiro remitemo yenyika.
Munyori wesangano revakarwa hondo, VaVictor Matemadanda, vakabata bumbiro remitemo yenyika.

Kunyangwe zvazvo bumbiro remutemo renyika rasvitsa makore mashanu mwedzi uno, nyanzvi mune zvemitemo dzinoti pane zvizhinji zvisati zvazadzikiswa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaTafadzwa Christmas vafananidza bumbiro remutemo nehurongwa hwekuvaka imba hunonzi plan paChirungu.

VaChristmas vati kunyangwe zvazvo hurongwa hwekuvaka hwakanaka chakakosha kuti imba yazomira here vakati kunyangwe nyika rine gwaro rakanaka, kuchine mitemo mizhinji isati yashandurwa kuti ifambirane nezviri mubumbiro.

VaChristmas vatiwo zvinosuwisa kuti pane zviumbwa zvakawandawo zviri mubumbiro zvakadai seIntegrity and Ethics Committee rinoona mashandiro emadzishe nezvimwewo zvisati zvaumbwa.

Gweta huyewo vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga vaudza Studio 7 kuti bumbiro redu mumakore mashanu aya ririkuita kunge bepa risina basa. VaMavhinga vati kusagadziriswa kwemitemo inodarika mazana mana kuti ifambirane nebumbiro zvinoita kuti veruzhinji vasabatsirikana nekodzero dzirimo.

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum rinova sangano rakaparura ongororo inoratidza kutyorwa kwakaitwa kodzero muna2017 huyewo vari gweta Amai Blessing Gorejena vatiwo zvinosuwisa kuti hurumende haisi kutevedzera zvirimubumbiro kunyangwe kwakaiswa mari zhinji richigadzirwa.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights riri kukurudzira hurumende kuti izadzikise zvose zvinodiwa kuti bumbiro remutemo rinyatsoshanda zvakanaka.

ZLHR inoti kusazadzikiswa kwezvinodiwa nebumbiro zviri kupa kuti Zimbabwe idzokere kumashure. Semuenzaniso ZLHR inoti panofanira kuva nemusiyano pahurumende, matare uye paramende kwete kuti hurumende ndiyo inenge iine masimba akawandisa pasina anoitsiura.

Sangano iri rinoti mapurisa nemauto anofanirawo kuita basa achitevera bumbiro remutemo kwete kuita madiro ajojina. ZLHR yasimbisa kuti kodzero dzevanhu dziremekedzwe sezviri mubumbiro remitemo.

Bumbiro remutemo yenyika rakagadzikwa zviri pamutemo musi wa22 Chivabvu muna2013 nevaimbove mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe. Bumbiro iri rakanyorwa panguva yehurumende yemubatanidzwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG