Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzotarisisa Kupiwa Mvumo kweZTV Kuti Iburitse Zvaiitika kuDare reConstitutional Court


Dare reConstitutional Court rakapa mvumo yekutepfenyura zvaiitika mudare kuZTV inove yehurumende.

Apo nyika iri pakati pekuzeya zvakaturwa nedare reConstitutional Court, vamwe vari kutarisisa mafambisirwo akaita nyaya yekutepfenyurwa kwezvaiitika mudare nezvazvinoreva kana kuchitariswa kodzero dzekufambiswa kwemashoko pasina kumbunyikidzwa.

Tapfuma Machakaire ndemumwe wevanhu vave nemakore akawanda vachishanda sevatapi venhau munyika. Machakaire, uyo anove nhengo yebhodhi reVoluntary Media Council of Zimbabwe, VMCZ, anoti Zimbabwe Broadcasting Corporation TV yakakwanisa kuita nemazvo basa rekutepfenyura zvaiitika mudare reConstitutional Court sezvayaive yapiirwa mukana kut iite.

Machakaire anotiwo zvinonzwisisika kuti sei zvakanzi ZTV ive iyo nhepefenyuro yega yaikwanisa kutepfenyura zvaiitika mudare kana kwakatariswa nyaya yekuti nzvimbo yemudare idiki.

Asi anotiwo zvakaitika izvi zvinoratidza kuti nyika ichiri kumashure munyaya dzekusununguka kwekutepfenyurwa kwenhau.

Mushure mekunge nyika yaziviswa kuti ZTV ndiyo yega yaizotepfenyura zvaiitika mudare reConstitutional Court, sangano reMedia Institute of Southern Africa, MISA Zimbabwe, rakaisa chikumbiro chekuti ribvumidzwewo kutepfenyura zvaiitwa mudare, asi chikumbiro ichi chakaraswa nedare.

Mukuru weMISA Zimbabwe, VaTabani Moyo vanoti danho rekuti ZTV ndiyo yega yakapiwa mukana wekutepfenyura zvaiitika mudare reConstitutional Court rinoratidza pachena kumbunyikidzwa kwekodzero munyaya dzekufambiswa kwemashoko.

VaSylvester Tapfumaneyi ndivo mukuru wekambani yeSly Media uye ndevamwe vaidawo kupiwa mukana wekutepfenyura zvaiitika mudare.

Asi vanoti vanonzwisisa danho rekuti ZTV ndiyo yega yakapiwa mukana vachiti izvi zvaikodzera kana kuchitariswa zvinhu zvakawanda kusanganisira nyaya yekuti munyika hamuna makambani ane zvikwanisiro zvekuita basa rekutepfenyura sezvaidiwa kuitwa panyaya yaive mudare.

Murwiri wekodzero dzevanhu VaThomas Sithole vachipa muenzaniso wezvinoitika munyika yeSouth Africa, vanoti pose panoitika zvinhu zvakakosha munyika umu vose vanoita mabasa ekutepfenyura vanobvumidzwa kuita izvi zvisineyi nekuti makambani ehurumende here kana kuti kwete.

Mutapi wenhau anoshanda akazvimirira ega Muzvare Thelma Chikwanha vanoti mumabasa ekutepfenyura kana kutapa nhau zvakakosha kuti pave nevakawanda vanoita izvi kuti veruzhinji vakwanise kunzwa mativi akasiyana-siyana.

Mudzidzisi wezvekufambiswa kwemashoko, VaAdmire Mare, avo vanoshanda paNamibia University of Science and Technology, vanotsigira maonero ekuti danho rekupa ZTV mukana wekuve iyo inotepfenyura yega zvaibuda mudare reConstitutional Court zvinoratidza kusachinja kwezvinhu munyika mune zvehutongi hwejekerere.

VaMare vanoti kusavhurwa kwemikana munyaya dzekutepfenyura kana kutapwa kwenhau kunoita kuti vanhu vatambire dzimwe nhau dzinenge dziri dzemanyepo kana kuti fake news muChirungu.

Vatapi venhau pamwe nevarwiri vekodzero dzekufambiswa kwemashoko vane mukana wekuramba vachirwira kodzero idzi kuti munyika muve nevamwe vakwanda vanokwanisa kutepfenyura kunze kwekambani yehurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG