Accessibility links

Breaking News

Makambani Oyambirwa Kubhadhara Mari kuNSSA


NSSA
NSSA

Vamwe vamiriri vevashandi pamwe nevashandirwi vanoti vanotambira danho reNational Social Security Authority kana kuti NSSA rekuti makambani ose munyika ave anonyoresa nekambani iyi uye kuti aendese kuNSSA mari yemudyandigere yaanobata kuvashandi sezvinofanirwa pamutemo.

Mumashoko avari kubudisa paterevhizheni nemumapepanhau veNSSA vari kukurudzira kuti makambani ose ari munyika ave anonyoresa kukambani iyi.

VeNSSA vanotiwo makambani ose ange achibata mari yepenjeni inofanirwa kubatwa pamihoro yevashandi asi asingaendese mari iyi kuNSSA sezvinofanirwa, anofanirwa kugadzirisa nyaya iyi nekukasika.

Mukuru wesangano reCommercial Workers Union of Zimbabwe uye variwo zvekare munyori wekomiti yevanhukadzi musangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, Amai Barbara Tanyanyiwa, vanoti zvakakosha kuti makambani aendese mari yaanobata kuvashandi kuNSSA sezvo mari iyi iri iyo inofanirwa kuzobatsira vashandi ava kana vave pamudyandigere.

Kune mashoko anombobuda dzimwe nguva munhau emamwe makambani anenge achinzi haaendesi mari yaanobatira vashandi kuNSSA.

Mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vanobvumawo kuti zvakakosha kuti vemakambani vaendese mari kuNSSA vachiti kana makambani madiki akakwanisa kunyoresa neNSSA sezvinodiwa pamutemo, zvinobatsirawo kusimudzira hupfumi hwenyika.

VaJabangwe vanotiwo makambani akawanda ange achinetseka nekuendesa mari kuNSSA sezvinofanirwa nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi munyika vachiti vanotarisira kuti izvi zvave kuzogadizrika.

Pave nenguva yakareba vamwe vashandirwi kana kuti vemakambani vachichema nerekuti mari yemihoro inotambirwa nevashandi munyika iri pamusoro zvikuru zvekuti ichi ndicho chimwe chezvikonzero zvinoita kuti makambani akawanda atadze kunyatsoshanda nemazvo.

Asi Amai Tanyanyiwa vanopikisana nemaonero aya vachiti vashandi vakawanda munyika vanonhonga svosve nemurormo nekuti vanowana mari isingavakwanire zvachose.

Mutungamiri wesangano reZCTU, VaPeter Mutasa, vanotsinhirawo vachiti chimwe chezvikonzero zvinoita kuti makambani emunyika atatarike inyaya yekuti vamwe vakuru vakuru vemakambani aya vanopiwa mari yemihoro ine mumvuri asi vashandi vachipiwa shomanana.

VaMutasa vanotiwo ivo veNNSA pachavo vanofanirwa kubata mari yevashandi zvakanaka kuitira kuti isatsakatike vashandi vanenge vave pamudyandigere vachizoona nhamo.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kune veNSSA panyaya iyi.

Makambani emunyika ari kupiwa kusvika musi wa 28 Kukadzi kuti ave agadzirisa zvekunyoresa neNSSA pamwe nekuona kuti mari dzose dzinofanirwa kuendeswa kukambani iyi, dzaendeswa sezvinofanirwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG