Accessibility links

Breaking News

NSSA Yoyedza Kumutsiridza CSC Asi Paine Mutauro


Makare, kambani yainzi Cold Storage Commission, iyo yave kunzi Cold Storage Company (CSC) yaive chidadiso chenyika.

Asi ikozvino kambani iyi semamwe makambani ehurumende yave zuru rakapinda nyoka.

Kambani iyi inonzi iri kushanda pazvikamu gumi kubva muzana zvemashandiro ainofanirwa kunge ichiita.

Kutatarika kuri kuita kambani iyi kwapa kuti kambani yeNational Social Security Authority, kana kuti NSSA, iuchike mari inosvika mamiriyoni gumi nemasere emadhora kuBulawayo kumutsiridza kambani iyi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi hadzisi kuwirirana pakupindira kweNSSA uku. Vamwe vanoti zvakanaka, asi vamwe vachiti hazvina kunaka.

CSC yainge iine makambani kuMarondera, Harare, Chinhoyi neBulawayo ichitengesa nyama kunyika dzekumawarira kuEurope. Izvi zvaipa nyika mari inosvika zana remamiriyoni emadhora pagore.

Kunyangwe EU yakatemera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo zvirango, sangano iri richiri kutenga nyama yemombe kubva kuZimbabwe, asi nyika iri kukundikana hayo kuzadzisa chiga chayo.

Mumazuva ayo, CSC ndiyo kambani yesiraha yaive hombe muAfrica mose uye yaiunza mari yekunze yakawanda munyika.

Asi ikozvino kambani iyi ine zvikwereti zvakawanda zvapa kuti igwadame.

Nemusi weChipiri kuMarondera mimwe midziyo yange ichototengeswa nezvikonzi zvedare nenyaya yezvikwereti izvi.

Kumakore ekuma 1990 kambani yainge iine vashandi vakabayirwa zvitupa vanodarika chiuru nemazana mashanu nevamwe vakawanda vaiita maricho, asi ikozvino kune vashandi vasingadarike mazana mashanu.

Asi vamwe vashandi vanoti vave nemakore vachinzwa mashoko aya pasina chinobuda nekudaro vanoti vanovimba kuti haasi manatsa mukanwa ndonda kurota ichiyamwa.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaBusisa Moyo, vanoti vanofara nezvaitwa neNSSA sezvo zvichipa varimi musika wekutengesa mombe dzavo.

VaMoyo vanoti izvi zvichamutsiridza hupfumi hweguta reBulawayo nekuwanisa vanhu mabasa.

Asi handi vose munyika vari kuti NSSA yabaya dede nemukanwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira Zimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe, vanoti NSSA, iyo inoshandisa mari dzevashandi dzemudyandigere, haifanire kuonekwa ichisungirira mari pagumbo rengwe.

VaZembe vanoti hurumende inofanira kuyedza kukwezva vekunze vanoda kuzouchika mari mumakambani akaita seCSC aya.

Mukuru weZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakaria, vanoti vanopfuya mombe vanotambira zvikuru danho rekumutsiridza CSC.

Asi vatiwo varimi vanodawo kupihwa mukana wekuti vave nemasheya mukambani iyi.

Nyaya yekurima ndiwo wainge uri musimboti wenyika hurumende isati yatanga chirongwa chekugovera vatema ivhu vamwe vacho vari ana mugarira badza.

Kusafamba zvakanaka munyaya dzekurima kwapa kuti hupfumi hwenyika hutatarikewo sezvo kusisina mabasa mumapurazi uye makambani akawanda anodyidzana nekurima.

Makare, Zimbabwe yainge iine mombe dzinosvika mamiriyoni matanhatu nezviuru mazana masere, asi iko zvino mombe dzadzikira kusvika kumamiriyoni mashanu nezviuru mazana maviri uye dzenyama dzaderera kusvika pazviuru mazana maviri kubva pazviuru mazana matanhatu nezvishanu.

Vamwe vari kuyedza kubatsira kumutsiridza CSC ndeveFood And Agriculture Organization uye veAgribank.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG