Accessibility links

Breaking News

MDC Inotungamirwa naVaNcube Yozvipira Kuita Mushandira Pamwe Musarudzo dza2018


MDC-N holds national council meeting
MDC-N holds national council meeting

Bato reMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube rinoti richashanda nemamwe mapato kuitira kuti mubatanidzwa wemapato ukunde Zanu PF musarudzo dza 2018.

Bato reMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube rinoti richashanda nemamwe mapato kuitira kuti mubatanidzwa wemapato ukunde Zanu PF musarudzo dza 2018.

Izvi zvabuda pamusangano weNational Council wekupedzesera gore rino waitirwa muHarare.

Vachitaura papera musangano uyu, VaNcube vati bato ravo rapa hutungamiriri hwebato iri basa rekutaurirana nemapato ese anopikisa kuitira kuti vaumbe mubatanidzwa sezvo iri iyi nzira yega ingaite kuti vakunde bato riri kutonga reZanu PF.

VaNcube vatiwo zviri pachena kuti vanhu vese munyika vari kuda kuti mapato anopikisa abatane musarudzo vakatiwo musangano wavo watambira chisungo cheMDC inotungamiririrwa naVaMorgan Tsvangirai pamusangano wayo weNational Council chekuti bato iri rakazvipira kushanda nemamwe mapato mukuumba mubatanidzwa uchakwikwidza Zanu PF.

Vati kana izvi zvikabudirira mapato ese anopikisa achamiririrwa nemunhu mumwe chete musarudzo dzemutungamiri wenyika uye musarudzo dzeparamende mapato aya anenge achimiririrwa nenhengo imwe chete muconstituency yega yega.

Vati pane nhaurirano dzavave kutoita nemamwe mapato uye zvinofadza kutipane chido chekubatana kubva kumapato akawanda munyika.

Mutevedzeri waVaWelshman Ncube, VaEdwin Mushoriwa, vanotiwo zvimwe zvisungo zvabuda mumusangano wavo ndezvekuti bato iri richaita kongiresi yaro mukutanga kwegore rinoouya.

Vatiwo musangano uyu waita chisungo chekuti vanofanira kuramba vachirwira kuti mitemo yesarudzo isandurwe kuti paitwe sarudzo dzakachena.

Vatiwo mutemo unofanira kusandurwa kuti kana anenge akunda ogadzwa ipapo vachiti izvi ndizvo zvingadziviririre zviri kutika kuGambia uko mutungamiriri wenyika iyi akakundwa musarudz,o VaYahya Jamme, vari kuramba kubva pachigaro.

Vatiwo izvi zvakaitika muZimbabwe muna 2008 apo VaMugabe vakakundwa musarudzo naVaTsvangirai asi vakaramba kubva pachigaro nekuti mapato anopikisa ange asina zano rekuti iota sei kutora masimba.

VaNcube vati vanofara chose nezviri kuitwa neAfrican Union, ECOWAS neUnited Nations ku Gambia uye SADC inofanira kuitawo zvimwezvo kana pakaita anoramba kubva pachigaro akundwa muna 2018.

Zvichakadai, sachigaro wemadzimai mubato iri AmaiMonica Ngwenya vaudza Studio 7 kuti madzimai akatoita chisungo pamusangano wavo svondo rapera chekuti vanofanira kupinda musarudzo vakawanda muna 2018.

Nyanzvi munyaya dzematonmgerwo enyika dzinoti VaMugabe nebato ravo reZanu PF vane hunyanzvi hwekubira sarudzo zvekuti mapato anopikisa haakwanise kuvakunda kana akasabatana.

Mapato anopikisa munyika ave kutoshanda akabatana muzvirongwa zvakasiyana siyana zvakaita seCoalition of Democtracts kana kuti Code neNational Electorla Reform Agenda kana kuti NERA.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG