Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inotora Mukombe weCosafa


Map of Zimbabwe

Zimbabwe ndiyo yava shasha yenhabvu mudunhu rekuchamhembe kweAfrica zvichitevera kutora mukombe weCosafa.

Zimbabwe yakunda Zambia 4-2, nezvibodzwa zvanwiswa naKhama Billiart naTino Kadewere.

Asi vakomana ava vapotsa vanyura pasvika maminitsi makumi mapfumbamwe akatarwa Zambia iri pamberi peZimbabwe 2-1, asi Kadewere akwanisa kunwisa chimwe chibodzwa zvaita kuti makwikwi aya aite mangange, mutambo uyu ndokupinda mu extra time

Mu extra time Billiart anwisa kaviri Zimbabwe ndokurova Zambia 4-2.

Zimbabwe yave nemikombe yeCosafa Cup mitanhatu, miviri pamusoro peAngola, South Africa neZambia idzo dzine mikombe mina.

Murairidzi wechikwata ichi, Sunday Chidzambwa, aitawo murairidzi wekutanga kutora mukombe uyu kanokwana kana.

Muteveri weDynamos, VaPoncent Mhondiwa, vanoti zvanga zviri pachena kuti Zimbabwe ichakunda.

Kadewere ndiye anzi atamba kukunda vese mumutambo uyu achiti iye anga achizivawo sezvo vanga vakagadzirira zvakasimba mutambo uyu.

Kadewere akanda zvibodzwa zviviri.

MaWarriors ari kuenda kumba achinyemwerera nemari inoita iyo mazana maviri namakumi mashanu ezviuru zvemadhora iyo vatambidzwa nekutora mukombe uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG